Muvara

From Wikipedia
(Redirected from Ruvara (kuona))
Jump to navigation Jump to search

Ruvara kana muvara zvinodudza kudaira kweziso richipirikira mhando dzechiedza apo richinge ragamuchira chiedza chine hurefu wemasaisai hwakasiyana. Chiedza, chidimbu chenangazira regetsimagineti -electromagnetic spectrum. Chiedza chinowanikwa chiine mhando dzeruvara ese anozivikanwa. Kuwonekwa kunoitwa mavara (colour) neziso kunoitika apo chiedza chinowira pachinhu chingava chipfeko kana chii. Ngatimboti chiedza chawira pachiro chitsvuku (red). Chinoita kuti ziso rizowona ruvara rutsvuku urwu ndechekuti, dzimwe mhando dzemuvara dzinonwira pachipfeko ichi asi chipfeko chinohwitudza (reflects) ruvara rutsvuku. Nokudaro ziso rinowona ruvara rutsvuku chete.

Zvakanaka kuwonesana kuti chiedza chine hunyambiri; chingawonekwa sesebhe (matter) uye chingawonekwa semasaisai.

Mazita eChiShona emhando dzeruvara anowanikwa mutafura inotevera;

Mamwe mashoko[chinja | edit source]

  • Deko renzviru (Dark brown (lit: shell of fruit of Wild Medlar). Ano utema hwedeko renzviru: he is dark brown in colour.
  • Chisambi (Red check pattern).
  • Manjenjenje Brilliance (loudness) of colours; 2. Bright flames).

Mashoko aya anotaurwa kuKalanga:

  • Panguka (become discolored; fade as of a flower or some color).
  • Pangula (cause to become discolored).

ChiBantu[chinja | edit source]

  • Nyungwe vanoti mtundu (colour) kureva ruvara. Mamwe mazwi: -svipirira (n. green) kureva kusvipirira. Venda vanoti muvhala kureva muvara.
  • VaNgala neVaBwisi vanoti langi kana ba langi pakuwanda (colour). VaYao vanoti lusamba (green coloured). VaLomwe vanoti ekore (n. colour).
  • Chewa vanoti lunga (purple). VaMambwe vanoti cifungo (violet-coloured). Fwe vanoti mu-bara (colour, spot, stripe). Takwane vanoti musawo (n. colour) kureva muvara.
  • VaZigula vanoti rangi kana marangi (1. colour, 2. paint, 3. coloured inks). Zigula vanoti nili (n. blue). VaTonga vanoti tete kana nyanzabili (v. green) kureva girinhi.
  • Venda vanoti vhudala (n. green). Lozi vanoti butala kana tala (n. greenness. green colour). VaGwere vanoti kitaka (dark brown colour).