Hove

Kubva Wikipedia

Shoko rokuti hove (fish in English) rinoreva mhuka dzinorarama mumvura dzisina makumbo uye dzinorarma mumvura chete dzisingabude kunze kwemvura.

Mhando dzehove dziriko dzakawanda. Mhando idzi dzinosanganisira gwaya, jenya, muramba, zitye, mukunga nedzimwewo. Kune dzinogara murwizi nenyanza mumvura isina munyu, koitawo dzinogara mugungwa kune mvura ine munyu.

Mudungiro, mutungira kana mudururu (Fishing Stringer, or string for carrying fish) chitambo kana cheni inotungirwa hove dzaredzwa kuti dzitakurike. Tambo iyi inopinzwa nemukanwa mehove yobuda nekumativi kunofema nako hove.

Izwi rokuti bakayau rinobva kuchiPortuguese chinoti bacalhau -dried fish.

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Simba rehove riri mumvura.
  • Hove dzinokwira dzine muronga.
  • Madeverangwena anoita gundikumwe: the deverangwena fish move as one.
  • Gundukumwe kana mukumbumumwe (l. Sheeplike behaviour - all following leader; 2. Clannish behaviour) apa kureva tsika yokuti boka rose rinoenda kwaenda mutungamiri mukuita nokutsigirana naye - imwe nguva vanhu vasingataire kuti mutungamiri anotadza.

Mhando dzeHove[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Bemba inoti isabi (n. fish) kureva hove. Venda inoti khovhe (n. fish) kureva hove. Nsenga inoti sawi (n. fish) kureva hove.
  • Chewa vanoti vuwa (to fish with a net in various ways). VaChewa vanoti malakalaka (gills). Chuwabo vanoti mbilri (n. fish) kureva hove.
  • Nyanja inoti kutseruka, kuseruka (to come up the river; to come over the bank of a river). Mamwe mazwi: kuseluka (to come up to the surface of; to separate from that which is below).
  • Sangho inoti makobe (n. fish) kureva hove. Sagara vanoti somba (n. fish) kureva hove.
  • Chuabo vanoti mbilri (n. fish) kureva hove. Herero inoti rauka; punduka; punda (v. descend; go downward).

Kutsetsenura English[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Anadromous fish migrate from the sea up (Greek: ἀνά ana, "up" and δρόμος dromos, "course") into fresh water to spawn, such as salmon, striped bass, and the sea lamprey.
  • Catadromous fish migrate from fresh water down (Greek: κατά kata, "down" and δρόμος dromos, "course") into the sea to spawn, such as eels.