Lozi
Mataridziko
Silozi mutauro unowanikwa kuZambia neNamibia. Mutauro weSilozi une mamwe mazwi anotodzana nemazwi eChiShona.
Mazwi Anotodzana
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Lozi inoti kusinya (destroy), Shona ichiti kuchinya.
- Lozi inoti kutima (breast; udder), Shona ichiti kudzima kureva zamu.
- Lozi inoti kulima (agriculture), Shona ichiti kurima.
- Lozi inoti feza, Shona ichiti kupedza kureva kusvitsa pakuguma.
- Izwi rinoti kuwa (fall) rinoreva zvakafanana kuShona neVaLozi.
- Batu kuVaLozi ndivo vanhu kuShona.
- Lozi inoti Mulimu kana Nyambe (God); Shona ichiti Mwari.
- Lozi inoti malilo kana mafu (funeral), Shona ichiti rufu, marufu kana ndufu.
- Izwi rokuti kufula (graze) kuVaLozi rinotauwa richinzi kufura kuShona.
- Lozi inotaura mulilo (fire), Shona ichiti moto.
- Tate kana baba kuShona, ndivo ndate kuVaLozi.
- Rurimi kuShona ndirwo lulimi (tongue, 2 language) kuVaLozi.
- Lozi inoti kulwana (fight), Shona yoti kurwa kana kurwisana.
- Tolongo (jail or prison) kuLozi ndiro jeri kana torongo kuShona.
- Kubaba (Itch) kuVaLozi ndiko kuvava.
- Lozi inoti musima (hole), Shona toti musimha.
- Lozi inoti mupoti kana muenyi (visitor), Shona toti mweni.
- Lozi inoti kupota (to visit), Shona toti kushanya.
- Lozi inoti kuwani (hat); Shona inoti nguwani.
- Lozi inoti sulwe (hare) Shona inoti tsuro.
- Lozi inoti musika (market) Shona inotiwo musika.
- Lozi inoti mulao (law) Shona inoti murau kana murao.
- Lozi inoti kulibala (forget) Shona inoti kurivara.
- Lozi inoti mbowa (mushroom) Shona inoti hohwa.
- Lozi inoti nama (meat) Shona inoti nyama.
- Lozi inoti sando (hammer) Shona inotiwo sando kana nyundo.
- Lozi inoti sulwe (hare) Shona inoti tsuro.
- Lozi inoti simbi (metal) Shona inoti simbi.
- Lozi inoti kuzuma (hunt) Shona inoti kuvhima.
- Lozi inoti kupumula (rest) Shona inoti kupumhura.
- Lozi inoti kufuma (to be rich) Shona inoti kupfuma.
- Lozi inoti kubenya (shine) Shona inoti kupenya.
- Lozi inoti peu (seed) Shona inoti mbeu.
- Lozi inoti mati (saliva) Shona inoti mate.
- Lozi inoti kulooza (sharpen) Shona inoti kurodza.
- Lozi inoti kulube (pig) Shona inoti nguruve.
- Lozi inoti likwali (partridge) Shona inoti chikwari.
- Lozi inoti makwili (potatoes) Shona inoti magwiri kana mbatata.
- Lozi inoti tafule (table) Shona inoti tafura.
- Barotse vanoti liino (tooth) Shona inoti zino.
- Njanji (railway) ndizvo zvimwechete kuLozi neShona.
- BaRotse vanoti muloi (witch) Shona inoti muroyi.
- Lozi inoti mukwakwa (road) Shona inoti mugwagwa.
- Lozi inoti mukuwa (whiteman) Shona inoti mukiwa.
- Lozi inoti kubulaya (kill) Shona inoti kuuraya.
- ↑ https://static1.squarespace.com/static/557edb36e4b0c3993dee95d1/t/57a50a889de4bb16f4342521/1470433951897/Silozi%2BEnglish%2BPhrase%2BBook.compressed.pdf
- ↑ "Archive copy". Archived from the original on 2020-02-20. Retrieved 2020-03-22.