Ndebele
Chindebele (kana Sindebele; Ndebele) mutauro weBantu unowanikwa munyika dzinoti: Zimbabwe, South Africa neBotswana. Kunonzi zita rokuti Ndebele rinobva pakuti teba, zvichireva kunyura kumutauro weTswana nokuti varwi veChindebele vainyura seri kwenhoo dzavo panguva yekurwisana nemuvengi. Chindebele mutauro weChiNguni izvi zvinoreva kuti unonzwisisika kuvamwe vanotaura mitauro yechiNguni (kwete mitauro dzese) sezvinoita mitauro yechiShona. Chindebele chinonzwisisika kune vanhu vanotaura Chizulu, Chixhosa kana Chiswati, asi Vazulu ndivo vanonatso nzwisisa Ndebele nekuti munhoroondo Chindebele chaive Chizulu, asi pavakazo paradzana ndipo pakasikwa Chindebele neVandebele.
Mabhii eChindebele[chinja | edit source]
Mandebele vanoshanidsa Chiratini kunyora, asi vane mabhii avo anoenderana nemutauro wavo, nekuti Chiraitini hachina manzwi arimo muChindebele.
a | b | c | d | e | f | g | h | i | j | k | l | m | n | nd | ng | o | p | q | r | s | t | u | v | w | x | y | z |
---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|
bh | ch | dl | gw | hl | jw | kh | lw | mp | nk | ndl | ngw | ph | qh | th | th | xh | |||||||||||
chw | gq | khw | mhl | nt
ntw |
ndw | ngx | tsh | ||||||||||||||||||||
gx | kw | ml | ny | ||||||||||||||||||||||||
kl | mtsh | nx | |||||||||||||||||||||||||
mph | nq | ||||||||||||||||||||||||||
mz | nj | ||||||||||||||||||||||||||
mng | nz | ||||||||||||||||||||||||||
mg | ns | ||||||||||||||||||||||||||
mb | nw | ||||||||||||||||||||||||||
nc |
Zvivaramawana[chinja | edit source]
Mavaramwana kana Zvivaramwana (Chirungu: Vowels; vhaweri)
Varamwana | IPA | Chindebele | Chisitandadhi Shona | Chirungu |
---|---|---|---|---|
a | amanzi | mvura | water | |
e | eba | iba | steal | |
i | ingwe | ingwe | tiger | |
o | oma | oma | dry | |
u | ugogo | gogo / ambuya | grandmother |
Mazwi Ari Pedyo neShona[chinja | edit source]
Sitandadhi Shona | IsiNdebele |
---|---|
baba | ubaba |
pamberi | phambili |
kuseka | ukuhleka |
varimi | abalimi |
muvusi (governor) | umbusi |
vakadzi | abafazi |
mugwagwa | umgwaqo |
dhorobha | idolobha |
kusevenza | ukusebeza |
kudya | ukudla |
chibage | magwere |
kufamba | ukuhamba |
rurimi | ulimi |
mhara | impala |
nyati | inyathi |
nzou | indlovu |
chanza | isandla |