Zerere


Zerere (kureva green) kana rumbihli, ruvara rwokutanga, uye huri pakati peungu nehuroro pane nangazira inovonekwa. Zerere ndeumwe muvara wokutanga pamwechete ne mutsvuku ne muungu, unowedzerwa pakusanganisa kuti mamwe mavara agadzirwe. Nezvakakurakwazvo, ruvara rwe zerere runowanikwa muzvisikwa zvakadyarwa seKlorofiyi (chlorophyll), nechemushonga inoshandiswa nezvidyarwa pachirukanerujeko ne kushandura chiedza chezuva kuita simba rechemushonga. Zvisikwa zvakawanda zvino shanduka kutora kavara kezerere kenharaunda sechifukidzo kana kamafurashi. Zvicherwa zvakawanda zvine ruvara rwezerere, kusanganisira iyo emerodhi, inopihwa ruvara rwayo nebvute re zerere nerhangi rainaro.
Mune wongororo dzakaitwa muAmerika, Yuropu, uye nyika dzeUyisalama, zerere ndiro ruvara runowanzo batanidzwa nehunhu, hupenyu, hutano, uhwana, chitubu, tariro, negodo.[1] MuMubatanidzwa we Yuropu ne Amerika, zerere zvakare dzimwe nguva inosanganisirwa nehuturu uye hutano husina kunaka,[2] asi kuChayina nenzvimbo zhinji dze Ezhiya, masangano ayo akanaka kwazvo, sechiratidzo chekubereka uye mufaro.[1] Nekuda kwekudyidzana kwaro nemasikirwo, ihwo ruvara rwekufamba kwezvakatipoteredza. Mapato ezvematongerwo enyika anotsigira kuchengetedzwa kwezvakatipoteredza uye hutongi hwemagariro vanozvitsanangura pachavo sechikamu chezerere kufamba, vamwe vachizviti mapato ezerere.
Vambo rezita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
Ezhiya[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
Mune mimwe mitauro, kusanganisira Chichayina chekare, Chithayi, Chijapani chekare, neChivhiyetinamu, shoko rimwe rinogona kureva Ungu kana Zerere.[3]
Hunhu hweChayina shoko rekuti: 青 rinosheedzwa se qīng muChimandirini, Ao muChijapani, thanh muChisino-Vhiyetinamu
Shoko iri rine chirevo chinofukidza zvese ungu ne zerere; ungu uye zerere zvakajairwa kutaridzwa mumvuri we "青". Mune mamwe mashoko epanguva ino, ivo 藍 (lán, MuChimandarini) uye 綠 (lǜ, muChimandarini) zvichiteerana.
Chijapani chinewo mashoko maviri anonongedzera chaizvo kuruvara rwezerere, 緑 (midori, iro rinotorwa kubva Chijapani chechinyakare chinotsanangura chiito midoru "kuva mumashizha; kukura" zvichireva miti).
Pamusoro pezvo pane shoko rekuti; グリーン (guriin, rakabva paChingezi "green"). Nekudaro, kuJapani, kunyangwe marobhoti aine mavara akafanana needzimwe nyika, mwenje wezerere unotsanangurwa uchishandisa izwi rimwe chete seiri "aoi" zvichireva kuti - ungu, nekuti ruvara rwe zerere rwunoonekwa semumvuri we Aoi; Saizvozvo wo, zvinhu zvakasvibirira zvakasiyana zvwemi michero kana nemiriwo imwe senge manzana ezerere, Shiso zerere (zvinopesana nemanzana matsvuku uye Shiso tsvuku) zvinotsanangurwa neshoko rekuti aoi.
Asi muChijapani chemazuvano vane mashoko anosiyanisa ungu ne zerere, kunyangwe kana pane Kanji inonyorwa ichisanganisa mashoko acho dzimwe nguva.
- aoi (ungu)
- midori (zerere)
Chivhiyetinamu chinoshandisa shoko rimwechete kune ese mavara zerere ne ungu, "xanh", nemhando dzakasiyana seng "xanh da trời" vachireva yazuru (azure), zvichireva "ungu ye denga", lam (ungu), uye lục (zerere; zvakare xanh lá cây, zvichireva kuti; "shizha zerere").
Mavara mazerere[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mhando dzeruvara rwe zerere dzinogona kusiyana mumarhangi ekavara (hue chroma) zvichireva masimbiro kana kuzara kwe chiedza zve, kana kupenya kwe zvinhu zviviri kana zvitatu.
Ruvara | Enzano | Khodhi | Chingezi[4] | Vambo rezita |
---|---|---|---|---|
Zerere | #008000 | Green | ||
Emurodhi | #00573D | Emerald green | ||
#00A86B | Jade green | yu [chichayina] ok, bichwi [korean], gyoku; hisui [chijapani][5] | ||
Puwa | #DFFF00 | Chartreuse | ||
Orivhi | #98BF64 | Olive green | ||
Pfumvudza | #4F7942 | fern/muddy-green | ||
seji | #B2AC88 | sage green | ||
zererena | #90EE90 | light green |
Mhando dzeruvara rwezerere.
-
Mavara ezerere
-
Mavara ezerere
-
Mavara eyeruva
-
Mashizha eruvara rweyedenga
-
Miti dzezerere
Zvinhu zve Zerere[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
Zvichero[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
-
Mazambiringa kana tsambatsi zerere
-
Maapuro mazerere
-
Mukati mema kiwi ndeezerere
-
Ma Péé kana Peya ezerere
-
Avho
-
Mavheji[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
-
Magaka ezerere
-
Mavheji
-
mavheji zvekare
-
mhiripiri yebhero yeruvara zerere
-
bhinzi dzakachekwa
-
maorivhi
-
Derere
-
Muboora
-
Makabichi ezerere yakapfava
-
Kabichi
-
Hanyanisi zerere
Maruva[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
-
Zuva zerere
-
Mukakabundo (milkweed)
-
Zuva zerere
-
Rimwe ruva rezerere
-
Rimwe ruva
Mhuka[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
-
Datya rezerere
-
Svosve rine mavara ezerere
-
Nyoka yezerere
-
Shiri yezerere
ChiBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
- MuChitsonga vanoti Ruhlaza vachireva Zerere.
- MuChiswahili vanoti Kinjani vachireva iyo Zerere
- Chixhosa neChizulu Zerere ndi Luhlala
- MuChivhenda mudala zvinoreva kuti Zerere.[6]
Mabviro eruzivo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
- ↑ 1.0 1.1 Heller 2009, pp. 87–104.
- ↑ Heller 2009, pp. 96-97.
- ↑ Paul Kay and Luisa Maffi, "Color Appearance and the Emergence and Evolution of Basic Color Lexicons", American Anthropologist, March 1999 [1]
- ↑ enwiki: Shades of green
- ↑ enwiki: Jade
- ↑ smlwardafterall, 'Mavara eChivhenda' Intro to Tshivenda. Yakatariswa: 19 Chikumi 2021