Chikalanga

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuKalanga)

Chikalanga (kana Tjikalanga; Ikalanga) mutauro weVakalanga unotaurwa kuMatebeleland South mumatunhu anosanganisira Plumtree, Matobo neBulilima-Mangwe uye kuMaodzanyemba kwenyika yeVutswana. Mutauro weKalanga unoda kutodzana neNambya inotaurwa kuMadokero eMaodzanyemba eZimbabwe uye nemitauro yeShona inotaurwa kuMabvazuva nepakati peZimbabwe. Rupande rwemashoko 75 pazana kuKalanga runoda kufanana nemashoko eShona. Zvinonzi vatauri veKalanga vanosvika 500,000 muZimbabwe uye vanosvika 150,000 muVutswana.

Vanhu verudzi urwu vanonzi Bakalanga.

Mabhi eChikalanga[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Chikalanga yakafanana neChikaranga, Chindau, Chimanyika, Chikorekore, Chitonga, Chivhenda uye neChizezuru, mitauro iyi yakange iri imwe pakutanga muchinyakare ichinzi Chikalanga. Chikalanga chinonyorwa chichishandisa mabhii eChiratini anosanganiswa kusika mamwe mabhii.

Zvivaramwana/Zvinzvovera[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Chikalanga
a e i o u
Chikalanga akuna enda iswi (w)oma uma
Chivanhu hakuna enda isu (isusu) oma
Chirungu nothing go; go away us; we dry threaten w/an object; threaten

Zvivaramai/Nzvanyira[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Zvivaramai zveChikalanga
Chikalanga b bh bg ch d dh dz dzw f g gw h hw j k kh khw kw l lw
Chivanhu v bh bg; bw ch; ty d dh dz dzv; dy f g gw; hw; rw h zw; gw; nzw j k; g k kw kw;gw r rw
Chikalanga m m' mb mw mbg n nd ndz ng' ng'w ng ngw nj nk nkw nt ns ntsh nx ny
Chivanhu m mb mw; n'w mbw n nd nz(?) n' n'w ng ngw nj ng ngw t; nd nz(?) nx ny
Chikalanga nyw p ph pkh ps mp r rw s sh shw sw t' th t t'w thw tsh ts tshw
Chivanhu nyw p p pw; px tsv r rw s sh shw sv dz;mb;dh; t
Chikalanga ty v w n w x xw y z n z zh zh zw tj
Chivanhu ty vh w z; zh; nz zv ch

Enzano ye Chikalanga[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Chikamu chino chaturikirwa nemunhu asingagoni Chikalanga, kana pane anochitaurawo ngaabatse kugatsirisa zvinyorwa zvisizvo.

TjiKalanga (ku Zimbabwe), lulimi gupasi kwegubungano yendimi dzeBhantu, tjolebelekewha ndeBaKalanga kuhango yeBotswana ndeku Zimbabwe.[1]

Chikalanga (ku Zimbabwe) rurimi rwepasi pehuvungano yendimi dzeBantu, choreketerehwa neVaKalanga kunyika ye Vutswana neku Zimambwe.

Zila yoleba matama yakasiyana kwazo kwazo. [1]

Zhira yoreva matama akasiyana kwazvo kwazvo.

Tshinga dzemabala eTjiKalanga dzobumbiwa ndezila dzinohanganisila phalathalayizi, velarayizi, asipirethedi nde pfema kunamasimba kuti mawhi abhude nde amwe mawhi anonga nlidzo.[1]

Masinga emavara eChikaranga ovumbiwa nezhira dzinosanganisira paratarayizi, vharayitizi, asipiretedhi ne pfema inemasimba kuti mahwi abude ne mamwe mahwi ano unganidzwa.

TjiKalanga lulimi gwakamilidziwa ndenlayo nkulu wehango mugole la 2013 kuti gihingisiwe kuma ofisi aHulumente, tjodiyiwa kakale muzwikwele zwose kunaBakalanga.[1]

Chikaranga rurimi hwakamiridzwa nemurayo mukuru wedunhu mugore ra 2013 kuti chiswe kuma hofisi eHurumende, chodiwa kakare muzvikwere zvose kunaVakalanga.

TjiKalanga sedzimwe ndimi tjosiyana ndemitunhu. Ipapa tokwala ndezila ipasi kwegubungano yeBakalanga bakuZimbabwe inoyi Kalanga Language and Cultural Development Association (KLCDA).[1]

Chikaranga sedzimwe ndimi chosiyana nemitunhu. Ipapa togwara (nyora) nezhira iripasi pehuvungano yeVakalanga vekuZimbabwe inoyi Kalanga Language and Cultural Development Association (KLCDA).

Mamwe Mazwi eKalanga[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • BaKalanga vanoti tate (father) vachireva baba.
  • BaKalanga vanoti kwala (write) vachireva kugwara (kunyora).
  • BaKalanga vanoti bana (children) vachireva vana.
  • BaKalanga vanoti tjimanga (maize) vachireva chibage.
  • BaKalanga vanoti nlimi (farmer) vachireva murimi.
  • BaKalanga vanoti swaba (wilt) vachireva kusvava.
  • BaKalanga vanoti bila (v. boil) vachireva kuvira.

Vatauri veKalanga[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mabviro eruzivo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  1. 1.0 1.1 1.2 1.3 1.4 https://incubator.wikimedia.org/wiki/Wp/kck/TjiKalanga