Ranjisi (ruvara)

Kubva Wikipedia
Mashizha munguva yeMatsutso.
Mashizha munguva yeMatsutso.
Mujongwe; Ruva remoto - Ruva renyika yedu yeZimbabwe. MuChirungu rinonzi 'flame lily'.

Ranjisi (Nge: orange colour) kana raranji muvara uri pakati peruvara rweHuroro ne Tsvuku pa nangazira rwe chiedza chinoonekwa.

Ruvara rwedenga zuva rakuvira.

Zvinhu zvine ruvara ranjisi zvinosanganisira muchero uyo une ruvara unodanwa zita rimwe, zvimwe zvinhu zvinosanganisira ruvara rwedenga pakuvira kwezuva uye neruvara rwemiti mumwaka wematsutso.

Ruva reruvara rweRanjisi.

Tsananguro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Pakutanga munhoroondo yeChishona shoko rekuti "ranjisi" raisavapo, nekuti Mashona waisava neshoko rekusiyanisa ruvara tsvuku neruvara rweranjisi. Saka ese mavara maviri (ranjisi netsvuku) aidanwa kuti tsvuku. Vanhu vaikwanisa kuona mavara nekusiyana kwavo asi nekuti mavara aiiswa muzvikamu, saka vanhu vaimadana nezita rimwe.

Mavara aionekwa muzvikamu zvina: zvitsuku (ranjisi ne tsvuku), zvitema (tema, ungu, hute nezerere), zvichena (chena, pfumbu ne huroro) nezvitsvuku futi (zvitsvukutsvuku se; kiwani, indigo, ne farata (vhiore)).

Vambo rezita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

MuChirungu, ruvara rweranjisi rwunotumidzwa zita mushure mekuonekwa kwechibereko cheranjisi rakaibva. Shoko rekuti ranjisi muChirungu rinobva kuChifurenji Chekare pashoko rekuti "orange", kubva pashoko rekare rekuti muchero, 'pomme d'orange'. Shoko reChifurenji, zvakare, rinobva kuChiitari rekuti arancia, yakavakirwa pa Chiarabhu نارنج (nāranj) yakakweretwa kubva kushoko reChipezhiya (Persian) rekuti naarang iro rakabva wo kushoko reChisaniskiriti (Sanskrit) rekuti नारङ्ग (nāraṅga), iyo inotora kubva kududziro yeshoko reDhiravhidhiyani (Dravidian)).

Muenzano: நரந்தம் / നാരങ്ങ narandam / naranja zvinoreva ranjisi rinovava muChitamiri (Tamil) ne Chimarayaramu (Malayalam).

Shoko rekuti "orange" rakatanga kushandiswa muChirungu muna-1502 (Chiuru chimwe nemazana mashanu nemaviri), mune rondedzero yezvipfeko zvakatengwa naMargaret Tudor. Kumwe kushandiswa kwekutanga kwakanyorwa kwanga kuri muna-1512 (Chiuru chimwe nemazana mashanu negumi nemaviri), muchido zvino chaiswa kuHofisi ye Rhekodhi reMukumbi (Public Record Office). Zita renzvimbo "orange" rine vambo (origin) yakasiyana uye harinei neicho cheruvara.

Sainzi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Madhayi nemaPigimenzi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Zvinhu zvakasikwa zveruvara rweranjsi.[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Ruvara rweranjisi rwemakarotsi, manhanga, mbatatisi, maranjisi, nemimwe michero nemiriwo zvinobva kukarotinzi (carotenes), rudzi rwe karuvara ke-photosynthetic (pigment). Turuvara (pigments) twunoshandura mwenje wesimba uyo zvinomera zvinotora kubva kuzuva kuita simba remakemikari kukura kwezvirimwa. Ivo makarotinzi anotora zita ravo kubva kumakarotsi. Mashizha ematsutso zvakare anowana ruvara rwavo kubva kukarotinzi. Kana mamiriro ekunze akatendeuka kutonhora uye kugadzirwa kwezerere chlorophyll inomira, iyo orenji vara inosara.

Mamwemakarotsi anemavara hute (pepuru), tsvuku, chena, huroro ne hute nhema. Pamberi pe Zanaragore rechi-18, makarotsi aibva kuEzhiya aiwanzo kuve ehute, nepo iwo aive muYuropu ainge ari machena kana kuti matsvuku.

Maruva.[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Ranjisi inowanzoenderana nemwaka wematsutso, pamwe nekukohwa nematsutso mashizha. Maruva, semichero yeranjisi uye miriwo nemashizha ematsutso, tora iwo ruvara kubva kune photosynthetic pigments inonzi Karotinzi (carotenes).

Mhuka.[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Zvikafu.[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Pane zvine ruvara rweranjisi, zvimwe zvakasikwa zvakadaro asi zvimwe zvinotanga serimwe ruvara zvozoshandurwa kuita ruvara rweranjisi.

Marefurenzi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

enwiki: Oranges