Ropa

Kubva Wikipedia

Ropa, gazi kana ngazi (blood) ndiwo mutuvi mutsvuku unowanikwa uchiyerera mumitswe iri munyama dzemhuka dzose. Mitswe inofamba neropa inonzi tsinga. Ropa rinofambisa chikafu negasi re"oxygen" kusvitsa kunhengo dzemuviri uye rinotakura tsvina kubva kunhengo dzemuviri.

Mutandira Unopoterera Ropa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mutandira Unopotereka Ropa - kuturikirwa kwechinonzi Blood Circulatory System kuEnglish. Apa mutandira izwi rinoshandiswa pachinyorwa chino kuturikira chinonzi system.

Mitswe inofamba neropa ndiwo aya machubhu anonzi blood vessels kuEnglish. Pachinyorwa chino pachasiyaniswa mhando yemitswe iyi kuti tiyedze kuturikira zvinonzi veins, arteries and capillaries kuEnglish. Uku kupatsanura kwakakosha zvikuru nokuti mitswe inofamba neropa ine mabasa akasiyana.

Tsinga[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Artery ichanzi tsinga nokuti idzi ihuru uye dzinonatsa kuonekwa nechekunze paganda. Tsinga dzinotakura ropa kubva kumoyo kuenda kune dzimwe nhengo dzemuviri.

Mushwaira[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mushwaira(Capillary blood vessel) zvinoreva mhando yetsinga ndikisa dzinobatsira mukutsinhana kana kugachidzana kwezvinhu zvinowanikwa mumuviri zvinoti: oxygen, carbon dioxide, mvura, chikafu, nemishonga inoraswa pakati peropa nenhengo dzemuviri. Mishwaira inobatanidza tsinga hombe dzinotakura ĝropa kubva kumoyo kuenda kunhengo dzomuviri netsingana ndiki chinodzosera ropa kumoyo. Shoko rokuti mushwaira rinoreva kanzira kadiki kasina kunatsa kupfumbira; aka kanenge kari kanzira kanonetsa kuona pakari chaipo. Apa ndipo pabva paturikirwa kuti shoko rinoti mushwaira rive ndiro rinoreva zvimwe nereEnglish rokuti capillary. Iri zita rinoduza zvakanakisa kuti capillary tutsinga tudokosa zvichifanidzwa nedzimwe tsinga dzinoonekwa pamuviri wemhuka kana munhu. Pakuwanda mushwaira inodanwa kunzi mishwaira

Mamwe mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Ropa ragwamba (blood clot) rinonzi govo kana kuti goo.
  • Chitsi mutsinga dzemunhu chine njodzi yekutadzisa ropa kufamba zvakanaka; njodzi yacho yakatonyanya kana ropa richitadza kusvika kuhuropi. Chitsi (constriction) chumutsinga chinogona kukonzerwa nekudya mafuta akawandisa anokonzera kufasa kwetsinga kunova kunotadzisa ropa kufamba zvakanaka.
  • Kadikwadikwa, Karikwarikwa chidikwadikwa kana marikwarikwa (pulse) zvichireva kupfura kunoitika kana rope richifamba mutsinga.

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Chewa inoti mwazi (blood) kureva ropa.
  • Rukwangwali inoti honde (blood) kureva ropa. Mamwe mazwi: erondolyohonde (high blood pressure).
  • Digo inoti mlatso (blood) kureva ropa. Swahili inoti damu (blood) kureva ropa.
  • Gulu neShambala inoti sakami (blood) kureva ropa.