Zerere

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuZerere (Ruvara))
Flag of Libya (1977–2011, 2-3).svg
muti ne sora re zerere

Zerere (kureva green) kana rumbihli, ruvara rwokutanga, uye huri pakati peungu nehuroro pane sipekitirumu inoonekwa. Zerere nderimwe ruvara rwokutanga yekuwedzera kana kusanganisa kuti mamawe mavara agadzirwe, pamwe chete netsvuku uye ungu. Nechakakura zvikuru, ruvara rwezerere runowanikwa muzvisikwa zvakadyarwa seThlorofiri / Thyorofiri (chlorophyll), khemikari inoshandiswa nezvidyarwa pachirukanerujeko (photosynthesis) ne kushandura chiedza chezuva kuita simba remakhemikari. Zvisikwa zvakawanda zvino shanduka kutora hyu yezerere yenharaunda sechifukidzo kana kamofuraji. Zvicherwa (maminarau) zvakawanda zvine ruvara rwezerere, kusanganisira iyo emerodhi, inopihwa ruvara rwayo nebvute re zerere nerhangi (chromium; chrome) yainayo.

Mune ongororo dzakaitwa muAmerika, Yuropu, uye nyika dzeUyisalama, zerere ndiro ruvara runowanzo batanidzwa nehunhu, hupenyu, hutano, uhwana, chitubu, tariro, negodo.[1] MuMubatanidzwa we Yuropu (Europe Union) ne Amerika, zerere zvakare dzimwe nguva inosanganisirwa nehuturu uye hutano husina kunaka,[2] asi kuChayina nenzvimbo zhinji dze Ezhiya, masangano ayo akanaka kwazvo, sechiratidzo chekubereka uye mufaro.[1] Nekuda kwekudyidzana kwaro nemasikirwo, ihwo ruvara rwekufamba kwezvakatipoteredza. Mapato ezvematongerwo enyika anotsigira kuchengetedzwa kwezvakatipoteredza uye hutongi hwemagariro vanozvitsanangura pachavo sechikamu chezerere kufamba, vamwe vachizviti mapato ezerere.

Vambo rezita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Ezhiya[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mune mimwe mitauro, kusanganisira Chichayina chekare, Chitai, Chijapani chekare, neChivhiyetinamu, shoko rimwe rinogona kureva Ungu (bhuruu) kana Zerere.[3]

Hunhu hweChayina shoko rekuti: rinosheedzwa se qīng muChimandirini, Ao muChijapani, thanh muChisino-Vhiyetinamu

Shoko iri rine chirevo chinofukidza zvese ungu ne zerere; ungu uye zerere zvakajairwa kutaridzwa mumvuri we "青". Mune mamwe mashoko epanguva ino, ivo (lán, MuChimandarini) uye (, muChimandarini) zvichiteerana.

Chijapani chinewo mashoko maviri anonongedzera chaizvo kuruvara rwezerere, (midori, iro rinotorwa kubva Chijapani chechinyakare chinotsanangura chiito midoru "kuva mumashizha; kukura" zvichireva miti).

Pamusoro pezvo pane shoko rekuti; グリーン (guriin, rakabva paChingezi "green"). Nekudaro, kuJapani, kunyangwe marobhoti aine mavara akafanana needzimwe nyika, mwenje wezerere unotsanangurwa uchishandisa izwi rimwe chete seiri "aoi" zvichireva kuti - ungu, nekuti ruvara rwe zerere rwunoonekwa semumvuri we Aoi; Saizvozvo wo, zvinhu zvakasvibirira zvakasiyana zvwemi michero kana nemiriwo imwe senge manzana ezerere, Shiso zerere (zvinopesana nemanzana matsvuku uye Shiso tsvuku) zvinotsanangurwa neshoko rekuti aoi.

Asi muChijapani chemazuvano vane mashoko anosiyanisa ungu ne zerere, kunyangwe kana pane Kanji inonyorwa ichisanganisa mashoko acho dzimwe nguva.

  • aoi (ungu)
  • midori (zerere)

Chivhiyetinamu chinoshandisa shoko rimwechete kune ese mavara zerere ne ungu, "xanh", nemhando dzakasiyana seng "xanh da trời" vachireva yazuru (azure), zvichireva "ungu ye denga", lam (ungu), uye lục (zerere; zvakare xanh lá cây, zvichireva kuti; "shizha zerere").

Mavara mazerere[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Nangazira ye mavara e zerere.

Mhando dzeruvara rwe zerere dzinogona kusiyana mumarhangi ehyu (hue chroma) zvichireva masimbiro kana kuzara kwe chiedza zve, kana kupenya kwe zvinhu zviviri kana zvitatu.

Ruvara Enzano Khodhi Chingezi[4] Vambo rezita
Zerere #008000 Green
Emurodhi #00573D Emerald green
#00A86B Jade green yu [chichayina] ok, bichwi [korean], gyoku; hisui [chijapani][5]
Puwa #DFFF00 Chartreuse
Orivhi #98BF64 Olive green
Pfumvudza #4F7942 fern/muddy-green
seji #B2AC88 sage green
zererena #90EE90 light green

Mhando dzeruvara rwezerere.

Zvinhu zve Zerere[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Zvichero[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mavheji[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Maruva[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mhuka[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

ChiBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • MuChitsonga vanoti Ruhlaza vachireva Zerere.
  • MuChiswahili vanoti Kinjani vachireva iyo Zerere
  • Chixhosa neChizulu Zerere ndi Luhlala
  • MuChivhenda mudala zvinoreva kuti Zerere.[6]

Mabviro eruzivo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  1. 1.0 1.1 Heller 2009, pp. 87–104.
  2. Heller 2009, pp. 96-97.
  3. Paul Kay and Luisa Maffi, "Color Appearance and the Emergence and Evolution of Basic Color Lexicons", American Anthropologist, March 1999 [1]
  4. enwiki: Shades of green
  5. enwiki: Jade
  6. smlwardafterall, 'Mavara eChivhenda' Intro to Tshivenda. Yakatariswa: 19 Chikumi 2021