Huroro

From Wikipedia
Color-yellow.JPG

Huroro (kureva yellow) ruvara rwuri pakati peruvara rwe ranjisi ne zerere panangazira rwe chiedza chinooneka.

Zvinhu zvineruvara rwehuroro izuva, kana ruva iro rinofanazuva, rinonzi Ringazuva kana 'ruvarezuva' kutodza chirevo che Chingezi.

Horongodzwa[chinja | edit source]

Mavara maHuroro[chinja | edit source]

Nangazira ye mavara mahuroro

Mavara ehuroro mavara machena muChishona nekuti mavara akajeka.

Tafura yemavara ehuroro.
Ruvara Enzano Khodhi Chingezi
Huroro #FFFF00 Yellow[1]
Ndarama; Goridhe #FFD700 Gold
Svoyo

sokuti "svihuroro"

#FFFFBF pale/cream yellow
tomborwiyo #FFEFF00 canary yellow
shora straw colour, pale yellow
sichani

sokuti "uchani"

#FEDB79 flaxen or blonde yellow
haridhari #E1AD01 mustard (yellow) name origin in Chihebheru/Chiarabhu -> hardal; khardal
raranjiro

sokuti "raranji huroro"

#FFBF00 amber
safuroni #F4C430 saffron yellow
puwa #DFFF00 chartreuse/greenish-yellow[2]
ibve-ibve #FFFF00 brigth yellow[3]

Mhando dzeruvara rwehuroro.

Muhunhu hwe Vashona[chinja | edit source]

Ruvara rwehuroro rwakakosha mutsika dze Vashona, zvinoonekwa munzira iyo inoratidzirwa seruvara rwe ndarama, zuva, uye tsime rehupfumi.

Nhoroondo panguva ye Ubwami wa Mutapa uye kunyangwe Umambo we Zimbabwe ndarama yaive chicherwa chakakosha. Yaitengeswa pakati penyika dze Vashona nedzimwe nyika, kuenda kuYuropu, Mabvazuva Epakatai, Vuarabhu ne Ezhiya.

Maruva eruvara rwehuroro.

Vanhu vaShona vaipfeka ndarama pamuviri wavo wese kubva kumakumbo kusvika kumusoro, sechiratidzo chepfuma muchimiro chaNdoro uye nezvimwe. Patsika nemagariro echiShona, zvishongo zvakadai zvinopfekwa panguva dzemitambo yakaita semichato; michato ye chivanhu (roora) neyechizvino-zvino.

Huroro mumitauro ye Chibantu[chinja | edit source]

  • Manjano = muchiSwahili
  • Ophuzi = muchiZulu
  • Bosehla = muchiSouthern Sotho
  • Ṱaḓa = muchiVenda

Marevo kuVabantu[chinja | edit source]

Ruvara rwe huroro rwakagara rwunoonekwa seruvara rwefuraro, ruvara runopenya uye rwakajeka. Chirevo chakadaro chakachengetedzwa mune dzimwe tsika dzakawanda (with exceptions).

Mumarudzi e Vazulu, ruvara rwehuroro runowanikwawo pamureza weAfruika Chamhembe rinomiririra 'hupfumi hwenyika' kunyanya hwenyika ye Afurika Chamhembe.

Mabviro eruzivo[chinja | edit source]

1. Marhaw, 16/15/2020, Colours in Colourful Africa: Symbolism and Meaning

2. Flag of Zimbabwe

  1. Vashona, Chikumi 17 2017, "Huroro" Yakatariswa: 2020-2021
  2. Vashona, Chikumi 17 2017, "puwa" Yakatariswa: 2020-2021
  3. shona twitter