Svetuka kuchirochemo

Chimurenga

Kubva Wikipedia

Zvinhu zviri zvakazoitika mushure mehondo Chimurenga chechipiri (Nge. Zimbabwe Struggle for Liberation; riot; Nde.Umvukela) zvinotaura hondo yakarwiwa nevanhu vatema veZimbabwe kuitira kuzvisunungura kubva kuhudzvanyiriri hwehutongi hwevarungu vakabva kuBritain.

Shoko rokuti chimurenga rinotodza rokuti kurengera rinoreva kurunzira kana kufurira boka revanhu kuita zvisiri pamurawo kana zvisingatenderwe nehutongi huripo panguva iyoyo. Saka chimurenga chaiva nzira yekurunzira vanhu vatema kuti vapandukire hurumende yaivepo yevachena, kuti vanhu vazviwanire kodzero dzavo uye kuzvitonga kwegutsaruzhinji.

Zvakakonzera hondo yeChimurenga chechipiri

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Hondo yeChimurenga yakarwiwa nezvikonzero zvinosanganisira:

  • Kubvisa hutongi hweudzvanyiriri hwaisiyanisa vatema nevarungu, vatema vachibatwa huyanga munyika yemadzibaba avo.
  • Kusandura magoverwo evhu akangaasina kururama nokuti varungu vakange vagere kunechu rakanaka, vatema vakakandwa kunzvimbo dzemakomo nekune rukangarabwe.
  • Kushandura hutongi hwaisatendera vatema kuti vavhote musarudzo dzenyika dzoksarudza vamiri vematunhu.
  • Kuunza kuzvitonga munyika yemadzitateguru evanhu vatema.
  • Bongozozo (riot).

Mitauro yeBantu

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  • VaBukusu vanoti khuureenga (to become unruly).
  • VaTiriki vanoti khurenga (shake, tremble, quiver, be afraid).


Commons:category:Chimurenga


Zita rekuti Chimurenga rakatorwa kubva kuna tateguru vevanhu vechiShona, xiVenda neKalanga . VaNambya ndevamwe vevanhu vari muboka iri zvakare. Tateguru wavo aizivikanwa nezita rekuti Murenga Musorowenzou (Musoro weNzou), anozivikanwa nevaVenda saThoho yaNdou uye Sholo reZhou . Marudzi maviri awa (vechiShona nechiVenda) akazotumidza maguta avo zita remurume uyu uyezve vechiShona vakazotumidza hondo dzavo dzerusununguko nezita remurume uyu. Munhoroondo yerusununguko rwenyika yeZimbabwe, hondo mbiri dzerusununguko dzakarwiwa pakati pevepambepfumi nevanhu vatema vemunyika yeZimbabwe dzakatumidzwa mazita ekuti Chimurenga I uye Chimurenga II.


Zita rekuti Chimurenga rakatorwa kubva kuna tateguru vevanhu vechiShona, xiVenda neKalanga . VaNambya ndevamwe vevanhu vari muboka iri zvakare. Tateguru wavo aizivikanwa nezita rekuti Murenga Musorowenzou (Musoro weNzou), anozivikanwa nevaVenda saThoho yaNdou uye Sholo reZhou . Marudzi maviri awa (vechiShona nechiVenda) akazotumidza maguta avo zita remurume uyu uyezve vechiShona vakazotumidza hondo dzavo dzerusununguko nezita remurume uyu. Munhoroondo yerusununguko rwenyika yeZimbabwe, hondo mbiri dzerusununguko dzakarwiwa pakati pevepambepfumi nevanhu vatema vemunyika yeZimbabwe dzakatumidzwa mazita ekuti Chimurenga chokutanga uye Chimurenga chechipri.