Gikuyu
Gikuyu kana Kikuyu mutauro weChiBantu unotaurwa kuKenya.
- Kikuyu haishandise mabhii anonzi: f l p q s v x z, asi vanowedzera mabhii anonzi ĩ and ũ.
Mazwi Anotodza Shona[chinja | edit source]
- Kikuyu inoti baba ndiro rimwechete kuGikuyu neShona.
- Kikuyu inoti muundu (person) kureva munhu.
- Kikuyu inoti ndaa (louse) kureva inda.
- Kikuyu inoti kindu (thing) kureva chinhu.
- Kikuyu inoti ng'ombe (cow) kureva mombe.
- Kikuyu inoti mbura (rain) kureva mvura yekunaya.
- Kikuyu inoti nyoota (thirst) kureva nyota.
- Kikuyu inoti nyama (meat) rimwechete mururimi rweGikuyu neShona.
- Kikuyu inoti nyina (his/her mother) kureva iAmai vake.
- Kikuyu inoti kikokora (elbow) rinotaurwa kuGikuyu kureva gokora.
- Kikuyu inoti korima (farming) kureva kurima.
- Kikuyu inoti mugunda (n. farm) kureva kurima.
- Kikuyu inoti ruara kana nduara (finger nail) kureva nzara.
- Kikuyu inoti kyara kana chiara (finger) kureva munwe.
- Kikuyu inoti thano (five) kureva shanu.
- Kikuyu inoti mugeni (foreigner) kureva munhu mupara.
- Kikuyu inoti kuanika (put out to dry) kureva kuyanika.
- Kikuyu inoti kyura (frog) kureva datya.
- Kikuyu inoti kokunika (v. to encase) kureva kuputira kana kuisa muchikasha.
- Kikuyu inoti kokaranga (to fry) kureva kukaringa.
- Kikuyu inoti mboyi (fox). Kune rwiyo runoti Mboi, mboi bereka - bereka mbudzi dzawanda. Dzanyanya kuwanda - pfunya rusero chirara, goo.o
- Kikuyu inoti murimi (farmer, gardener).
- Kikuyu inoti kochiara (give birth to).
- Kikuyu inoti -nene kana -kuru (great, grand).
- Kikuyu inoti onene (greatness).
- Kikuyu inoti gwoko kana moko (hand).
- Kikuyu inoti murugamiri (foreman, headman).
- Kikuyu inoti mbara (hostilities).
- Kikuyu inoti kyura (frog) kureva datya.
- Kikuyu inoti nyumba (house) kureva imba.
- Kikuyu inoti mundu (person) kureva munhu.
- Kikuyu inoti muromo (gate, ingress) kureva mukova.
- Kikuyu inoti muchiri (judge) kureva jaji.
- Kikuyu inoti kochira (to judge) kureva kutonga.
- Kikuyu inoti kotheka (to laugh) kureva kuseka.
- Kikuyu inoti makwatano (league, coalition, alliance) kureva chikwata.
- Kikuyu inoti ndaa (lice) kureva inda.
- Kikuyu inoti maguta (fat, grease) kureva mafuta.
Mamwe Mazwi[chinja | edit source]
- Kikuyu inoti mbiro (soot) rinotaurwa kuGikuyu kureva chin'ayi. Zvichida izwi iri rinotodzana nezita rinonzi Chimbiro?
- Kikuyu inoti koora (little frog) rinotaurwa kuGikuyu kureva kadatya. Kune zita rinonzi Kakora?
- Kikuyu inoti kira (cross-over) rinotaurwa kuGikuyu kureva kuyambukira.
- Kikuyu inoti marigu (bananas) rinotaurwa kuGikuyu kureva mabhanana. Kune zita rinonzi Mariga?
- Kikuyu inoti rowa kana njowa (goatskin).
- Kikuyu inoti Ngai kana Makai (God) kureva Mwari.
- Kikuyu inoti Ngai kiyahudi (Jehovah) kureva Mwari wemaJudha.
- Kikuyu inoti muoyo (life) kureva hupenyu.