Muchero

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
Fruit bowl.jpg
Mazhanje

Muchero (fruit) inhengo inoberekwa nedzinde inotakura mbeu dzedzinde. Muchero ungava unodyiwa nevanhu kana usingadyiwe. Miyenzaniso yemichero inosanganisira mahobo (banana paChirungu), matohwe, maonde,matamba, hute, maroro, hacha, tsubvu, nhengeni ndidzo tsvanzva, sekesa, nhunguru, mazhanje zvichingodaro.

Chitsoko chikore, chimhiko zvinoreva chitsumbu chemuchero wakadai semuzambiringa, tsambati kana mimwewo inokura iri zvitsumbu.

Dumbu (bunch of flowers - arranged).

Ganga zvinoreva muchero usina kuibva. Mazhanje aya achiri maganga musamadya. Akatora ganga renwiwa akapa mombe.

Michero yesango inotengeswa muZimbabwe inosanganisira: mazhanje; mawuyu; nemasawu.

Mamwe Mazwi[chinja | edit source]

  • Chibereko (product or produce, noun).
  • Kunyutsa, kubudisa (produce - verb).
  • Detsudza (Make to be very productive). Fetiraiza inodetsudza munda: fertilizer makes a land productive.
  • Detsura (Be very productive). Gore rino mbesanwa dzakadetsura kubereka: this all crops have borne well.