Mafuta

Kubva Wikipedia

Mafuta (Oil in English) zvinoreva mutuvi unowanikwa panosvinwa mbeu dzinoti: nzungu; donje; sunflower; chibage ndzimwewo dzine mafuta. Mafuta anowanikwa pamhuka anonzi manda.

Zvakara mafuta anowanikwa kubva pamhuka dzinenge dzakafuta. Pamhuka mafuta anoratidzika senyama chena.

Mafuta anowanikwa achicherwa pasi pevhu achizogadziriswa, petrol, diesel, paraffin nezvimwewo.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mime mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Chinangwa ndechekutsvaga zvinoreva mazita, zvikurusei kana mazita aya asisiri kutaurwa mumutauro wemazuva ano.

  • Chewa vanoti mafuta (oil). Lozi vanoti simwe (n. mark left on the mouth by fatty food).
  • Swahili vanoti mafuta (oil) kureva mafuta. VaSango vanoti mafuta (oil) kureva mafuta.
  • Giryama vanoti mafuha (oil) kureva mafuta. Ava vanoisa h pamamwe mazwi atinoisa t.

Kuumba Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Trans-fat ingaturikirwa ichinzii? Ko tikati mafutarutara zvichibva pazwi rokuti kutaramuka (distant) nokuti mafuta aya ane hydrogen kumhiri mbiri dzedouble-bond? Cis-fat ine hydrogen mbiri kudivi rimwe redouble bond.