Mariga

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Mariga izita remhuri rinowanikwa muZimbabwe.

  • Vanhu vane zita iri: Ashington Mariga, Jeffrey Mariga.
  • Kuriga (to fell) zvinoreva kuwisa china chakamira - sokuti kuriga muti.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mime mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Chinangwa ndechekutsvaga zvinoreva mazita, zvikurusei kana mazita aya asisiri kutaurwa mumutauro wemazuva ano.

  • VaKikuyu vanoti rika kana marika (n. generation). VaDigo neVaMbugwe vanoti rika (n. agemate; age-set) vachireva munhu wezera rimwe.
  • VaGiryama vanoti marika (circumcision cycles). VaGiryama vanoti rika kana marika (of the same age). VaZigula vanoti lika kana malika (n. youth; generations).
  • VaGungu vanoti maliga (n. tears). Mamwe mazwi: kuliga (n. v. decorate; paint or draw, adorn). Batswana vanoti mariga (winter).
  • VaZigula vanoti kulika (to be equal in size - two things or persons). Mamwe mazwi: kumalika (to be equal in size - a quantity; to be alike in age or height).