Nguva
Jump to navigation
Jump to search
Nguva kana nhambo (Time, duration)- iri izwi rinoreva kupimwa kunoitwa kutaramukana kwakaita zviitiko. Nguva inopimwa nezviyero zvinonzi: sekondi(s), mineti (min), awa (h). Musi umwe une maAwa makumi maviri nemana (24h). Awa rimwe rine makumi matanhatu emineti. Mineti imwe ine makumi matanhatu esekondi.
Kudzamara, dzamara, kudzimara, kudzingara - ishoko rinotaurwa kurevera chinhu chiri kuitwa iko zvino chichizomira kana kushanduka kana imwe nguva yasvika. Somuenzaniso - ticharima dhunduru rekumadokero kudzamara zuva ravira. Ticharamba tichifamba kudzamara tasvika pane misha.
- Metsa (until) izwi reChiNdau rinofanana nokuti kudzimara. Sokuti metsa nhasi (until today) kusvika nhasi. Metsa auye (until he comes) kudzimara auye.
- Ruth 1:19, Ndizvo vairi ava vakaenda metsa vaguma Bhetherehema: So the two of them went on until they came to Bethlehem. (kubva muBhaibheri reChiNdau )
- Mhindi (Short space of time).
- Kamukowoko, kamukuwo kana chinguva (Instant. Moment. 2. Short space of time).
- Kutunha, kutunhidzira kana kutunhiridza (postpone) apa kureva kushandudza chiitiko chakatarwa nguva yacho kuti chichifamba panguva iri mberi.
- Chigu (temporary thing).
- Chingo, chinguri kana chiko (Since). Chingo ndakabarwa handisati ndambosvika kuMavhuradonha.
- Nhasi (today) izwi rinoreva zuva rino ratiri kana musi uno watiri. KuChiNdau inoti nyamashi.
Mwero wenguva[chinja | edit source]
- Chitima chinosvika nechido: the train arrives on time.
- Mangwana kana hwedza (tomorrow).
- Hwedza Mangwanani (Tomorrow Morning).
- Hwedza Mauro (Tomorrow Evening).
- Kuswera mangwana (day after tomorrow).
- Kuswera Zuro kana marimwe zuro (day before yesterday).
- Masikati kana sikati (daytime) apa kureva nguva yokunge kunze kwakachena.
- Mambakwedza kana marirakwedza (dawn of day) apa kureva chifumo chezuva.
- Utonga kana utongwa hwakatsvuka (first glow).
- Mukore (period of history).
- Mukuwo (time, period?) Tarisa Esther 8:9 muBhaibheri reChiNdau.
- Nhaka (this year) zvichireva gore rino. Nhaka tinonzwaririra: gore rino tinonzwaririra. Tinokwanisa kutura tichiti nhaka uno kana nhaka rino.
- Izwi rokuti chibaka (time) rinotaurwa kuKalanga richireva nguva. Zvichida iwi iri rinotodzana nezita rinonzi Chiwaka?
- Izwi rokuti chimuka (following day) rinotaurwa kuKalanga richireva mangwana.
Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]
- Mati sekuru vachasvika nhamboi?
- Mugarakare (Object that has lasted long, or will last long, or has been a long time in its present position).
- Hunderere, hunyata, kana tsva-a (ideo of Growing dark at dusk). Kunze kwava kuti hunderere: dusk is falling.
- Apo nyika ichindoripo mukuwo wokukusha nokukukura, kutonhora nokupisha, chirimo nechando, masikati nousiku azvizokoreri, Genesis 8:23 (kubva muBhaibheri reChiNdau).
- Chinguri ndamuka handina kumbobuda panze.
- Chiko ndakabarwa handisati ndamboona nzunza.
- Chingo chandapinda handisati ndaonana naChiremba.
Tsumo[chinja | edit source]
- Zuva ravira radoka usiku hahuriri shiri. After sunset, it dawns (already); birds do not sing at night.
- Pasi mupindu panopinduka. The world is liable to change, it changes.
Mitauro yeBantu[chinja | edit source]
- Mang'anja inoti ntawi (n. time) kureva nguva. Nyungwe inoti nthawe (time) kureva nguva. Kagulu inoti chigele (time).
- Zigula neDigo inoti chipindi (awhile, while, time, channel, episode; Period of time) kureva nhambwe yenguva. Yao inoti katema (time, occasion, season, date).
- Nyanja inoti bindikiza (n. to be permanent). Shambala inoti minga (n. time) kureva nguva. Kinande inoti endambi (time) kureva nguva.
- Makua inoti okathi (n. time) kureva nguva. Ndebele inoti isikathi. Luganda inoti mlundi (a time) kureva chinguva. Kinande inoti -tambi (time, duration) kureva nhambo.
- Luganda inoti milundi mingi (often) kureva nguva zhinji. VaZigula inoti ntambo ino (this time). Mamwe mazwi: ntambo ntuhu (next time). Muda kana mwida (period).