Masikati

Kubva Wikipedia

Masikati (noon) inguva yokunge zuva rakwira zvichibva pana 12 dzezuva rakacheka nuira. Panguva iyi vanhu vanenge vokwazisana Masikati asi kwete maswera sei?.

Rudziyakamwe inguva apo zuva rinopisa zvakanyanya; panguva iyi zuva rinenge riri pakati pedenga richirova nhongonya. Nokumwe kutaura nguva iyi inonzi yechikumura mabhachi.

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Lozi inoti lisikati (n. noon) kureva masikati. Tonga inoti isikati kana isyikati (n. noon; midday) kureva masikati.
  • Lozi inoti musihali (n. daytime, daylight) kureva masikati. Sesotho inoti motseare (n. afternoon) kureva masikati.
  • Kikongo inoti mini (n. light, a light, torch, candle, lamp, lantern) kureva chiedza kana mwenje. Ndebele inoti emini kureva masikati.
  • Lunyoro inoti nyamusana (midday; noon) kureva masikati kana zuva rakacheka nyika. Sangho inoti lakota kureva zuvaguru.
  • Mbugwe inoti mo-nsekate (n. daytime) kureva masikati.