Ugondamano

Kubva Wikipedia

Ugondamano (ku Chingezi: philosophy) chidzidzo chakanangana: nekubuditsa pachena misimboti yedenhe reruzivo riri kutariswa; kubata chokwadi chedingindira riri kucherechedzwa, uye kuumba patsva ruzivo rwakagamuchirwa nevanhu nechekare. Ana chigondamano (philosopher) vanhu vanoshanda mubande reUgondamano.

Kupiwa Kwezita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Philosophy izwi reEnglish rakaumbwa nemazwi maviri anoti: philo- (meaning love) uye sophia (skill, knowledge, wisdom) kana sophis (wise, learned). KuChiShona izwi rokuti kugonda (to trust, to depend on) rinoreva kuvimba mune chinhu. Saka Ugondamano zvinoreva chidzidzo chakanangana nekuwana uye kunzwisisa ungwaru hwakapinda pakuumbwa kwenhaurwa; zvinhu; mubisho; mutemo; kana zvisikwa zviri panyika nemuchadenga.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mimwe mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Chinangwa ndechekutsvaga zvinoreva mazita, zvikurusei kana mazita aya asisiri kutaurwa mumutauro wemazuva ano.

  • VaLenje vanoti mano (sense, intelligence, reason, wisdom, cleverness, knowledge) vachireva mano.
  • VaChewa vanoti kukondanzeru (n. philosophy). Mamwe mazwi: kukonda (v. to love).

Mamwe mapeji ekutarisa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]