Mangwanani

Kubva Wikipedia

Nguva yemangwanani ndiyo nguva yokutanga kwezuva kubva pakuyedza kwezuva vanhu vachimuka. Nguva iyi inotaurwawo nenzira dzimwe dzakasiyana. Kubata jongwe muromo kunotaura kuti munhu amuka rungwanani machongwe asati akukuridza. Mashambanzou inguva yerungwanani zvakare apo panoonekwa nzou dzichienda kudziva kunonwa mvura nokugeza miviri yadzo. Mambakwedza kana kuti mavambakuyedza zvinoreva rungwanani pakutangisa kwawo.

  • Mazambambira (Early morning, just after sunrise when dassies sun themselves) inguva yemangwanani Suva richangoyedza apo mbira dzinozamba zuva.
  • Chedza (first dawn).

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • MaZulu vanoti ekuseni (n. In the morning, at dawn; early morning) kureva makuseni.
  • Basotho vanoti hoseng (n. morning) kureva makuseni. Nyungwe vanoti macibese (n. morning) kureva mangwanani.
  • Sepedi vanoti goseng (n. morning) kureva makuseni.
  • MaZulu vanoti ukusa (to dawn, rising of the sun) kureva pakuyedza kwezuva. Zigula vanoti kucha (n. dawn).
  • Nyungwe inoti kweru (early afternoon) pakuvamba kwemasikati. VaGanda vanoti kikeru kana nakeru (early) vachireva kweru.
  • Hadiyya inoti dara (n. morning) kureva mangwanani. Daridara (n. every morning). Zigula inoti mtondo (n. morning) kureva mangwanani.