Chimbalazi
Mataridziko
Chimbalazi, ChiMwini kana Bravanese mutauro weBantu unowanikwa kuSomalia.
Mashoko Anotodza Shona
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Mukutarira duramazwi reChimbalazi kwakaonekwa mazwi ane chitsama anotodza Shona. Izvi hazvireve kuti vatauri veShona vanonzwanana nevatauri veChimbalazi, asikuti pane mazwi anotodzana chete.
- Barawani vanoti basi (sufficient).
- VaBarawani vanoti bataata (potato) kureva mbatatisi.
- VaBarawani vanoti safari (journey) kureva rwendo.
- VaBarawani vanoti shaali (shawl) kureva chari.
- VaBarawani vanoti shpeendo (n. love) kureva rudo.
- VaBarawani vanoti ranji (n. colour) kureva ruvara.
- VaBarawani vanoti chaala (finger) kureva chara.
- VaBarawani vanoti chaambo (bait) kureva hwambo.
- VaBarawani vanoti chaana ngombe (calf) kureva mwana wemombe.
- VaBarawani vanoti chaana njuku (chick) kureva hukwana.
- VaBarawani vanoti chidhevu (chin) kureva chirebvu.
- VaBarawani vanoti chilemba (turban) kureva chiremba.
- VaBarawani vanoti chindiimu (lemon) kureva ndimu.
- VaBarawani vanoti chuula (frog) kureva chura.
- VaBarawani vanoti gellle (maize) kureva magwere.
- VaBarawani vanoti haanzu (woman's dress) kureva rokwe.
- VaBarawani vanoti hoonde (seeds) kureva mbeu.
- VaBarawani vanoti ifumo (spear) kureva pfumo.
- VaBarawani vanoti ipepo (wind) kureva mhepo.
- VaBarawani vanoti iziwa (milk) kureva mukaka.
- VaBarawani vanoti kufa (to die) kureva kufa.
- VaBarawani vanoti kuja (food) kureva kudya.
- VaBarawani vanoti kule (far) kureva kure.
- VaBarawani vanoti kuluma (bite) kureva kuruma.
- VaBarawani vanoti kunna (drinking) kureva kunwa.
- VaBarawani vanoti kuliwala (forgetting) kureva kurivara.
- VaBarawani vanoti kuuluka (flying) kureva kuuruka.
- VaBarawani vanoti kuuya (to come) kureva kuuya.
- VaBarawani vanoti kuwaka (to build) kureva kuvaka.
- VaBarawani vanoti liini? (when?) kureva rinhi?.
- VaBarawani vanoti ikope (eyebrow).
- VaBarawani vanoti ma'ruufu (familiar, common).
- VaBarawani vanoti maaka (year) kureva gore.
- VaBarawani vanoti mate (saliva) kureva mate.
- VaBarawani vanoti miimba (stomach) kureva mimba.
- VaBarawani vanoti mpaango (plan) kureva mhangwa.
- VaBarawani vanoti mreefu (high, long) kureva murefu.
- VaBarawani vanoti Mujiitu (n. God) kureva Mwari.
- VaBarawani vanoti munnu (salt) kureva munyu.
- VaBarawani vanoti mvula (rain) kureva kunaya kwemvura.
- VaBarawani vanoti ndhevu (beard) kureva ndebvu.
- VaBarawani vanoti mafta (oil) kureva mafuta.
- VaBarawani vanoti kuwola (dry rot) kureva kuwora.
- VaBarawani vanoti kuzaama (sink) - zvichida richitodzana nokuti kudzama.
- VaBarawani vanoti kati (centre) kureva pakati.
- VaBarawani vanoti kalaanga (fry) kureva karinga.
- VaBarawani vanoti ina (n. name) kureva zita.
- VaBarawani vanoti imba (sing) kureva kuimba.
Mamwe Mazwi
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- VaBarawani vanoti chidhuku kana chishupa (umblical cord). KuShona kune chinonzi shupa chinobuda mushure mokunge mwana azvarwa.
- VaBarawani vanoti fuungula (open) kureva kuvhura.
- VaBarawani vanoti hawa (weather/climate) kureva mamiriro ekunze.
- VaBarawani vanoti igugu (eggshell) kureva goko rezai.
- VaBarawani vanoti kaambele (temporary) kureva kwechinguva.
- VaBarawani vanoti kuwasila (arrive) kureva kusvika.
- VaBarawani vanoti maambo (affairs).
- VaBarawani vanoti mahari (bride price) kureva roora.
- VaBarawani vanoti makosa (mistake) kureva kanganiso.
- VaBarawani vanoti maluungo (body) kureva muviri.
- VaBarawani vanoti meende (cockroach) kureva bete.