Somalia
| |||
![]() |
Somalia (Chisomari: Soomaaliya) kana kuti Somariya ichinyorwa muChishona, inyika iri muAfurika muNyanga yeAfurika. Inoganhurana nenyika dzinoti: Itopiya iri kumadokero; Djibouti kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero; Gofo yeAden kumaodzanyemba, Gungwa reIndiya kumabvazuva neKenya kuchamhembe kwakadziva kumadokero. Somariya ine nyanza yakarebesesa muAfurika yose.[1] KuSomariya kunonyanyogara kuchipisa kuchivawo nemhepo dzemonsoon nekunaya kusina kuwanda.[2]
Somariya ine hugari hwemamirioni 10. Ruzhinji rwevagari veSomariya (85%) vanobva muchikwata chevanhu (paChirungu ethnic group) cheVasomari vagara varimo kubvira kare. Hugari hwasara ndehwevanhu vemamwewo marudzi. Vazhinji vevanhu ava vanogara kuchamhembe kwenyika. Chisomari neChiarabhu ndiwo mitauro yemumahofisi muSomariya, mitauro iyi ichibva mumhuri yemitauro yeAfuro-Ezhiya. Vanhu vazhinji vemuSomariya vatendi veIslam, vazhinji vari maSunni.[3]