Kuvaka

From Wikipedia

Kuvaka (Chingezi: to build) kana Kuwaka zvinoreva kuita mabasa ekumisa imba ichagarwa kana chimwe chivakwa.

Mamwe Mazwi[chinja | edit source]

  • Nhungu chivakwa chakavakwa mumunda chinogara vanhu vachizora kana kurinda zvirimwa.
  • Katungu kana chitsora zvinoreva musha uri kwawo wega kusina vamwe - isolated dwelling place.
  • Dungarwizi (any plant that grows in the water) apa kureva dzinde rinomera murwizi.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • VaKikuyu vanoti kuaka (to build). Mamwe mazwi: muaki (Builder). VaGungu vanoti kutara (v. start building a house or any other structure or building).
  • VaHerero vanoti tunga (build; fabricate, construct) kureva kuvaka. Mamwe mazwi: omutunge (builder; mason). Okutunga (fabrication).
  • VaLenje neVaChewa vanoti kupanga kana kumanga (make, used of constructive work of any kind, construct, put together, build, contrive, build up) kureva kuvaka.
  • VaGwere kuluka kana kuzimba kana kwombeka (Construct) vachireva kuvaka. VaGanda vanoti muzimbi (builder) vachireva muvaki.
  • VaYao vanoti mlingo kana chilingo (materials for work; materials for building) vachireva zvombo zvekuvakisa.