Pakati

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Pakati (Centre in English) ishoko rinoreva pakati pechiumbwa, sokuti pakati pedenderedzwa pokuti nzvimbo dzose dziri pamuganhu dziri nhambwe yakaenzana kubva pakati. Izwi rokuti pakati rinotaura kuti poyindi iyi iri panzvimbo inoita kunge inokokorodza shepi kuti iyo ichiva panhambwe yakaenzana zvichibva kune dzimwe nzvimbo dzose dziri kucherechedzwa.

Mamwe Mazwi[chinja | edit source]

  • Munzi (centre) iri izwi riri kuumbwa pachinuorwa chino kuenza kuturikira chinonzi centre kuEnglish - mukutaura mazuva ose tinoti pakati, mukati kana kukati. Shoko rokuti munzi pane riri kutorwa sepoyindi yepakati pedenderedzwa panobayirwa munzi kana denderedzwa richitarwa.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • VaTaita vanoti gati (centre).
  • VaKongo vanoti kati (centre).
  • VaHerero vanoti ou-koto kana omo-ukoto (centre, inside, middle).
  • VaKongo vanoti ndunda (the centre, middle, the midst, the main part) vachireva pakati.
  • VaKongo vanoti ndunda a nkoko (middle of the river; well out from show; the main stream) vachireva pakati perwizi.
  • VaKongo vanoti ndunda a evata (middle of the town) vachireva pakati peguta.
  • VaKongo vanoti kingundi (core, heart) vachireva pakati kana moyo