Rokwe

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search
Mufananidzo une vasikana vakapfeka marokwe akanaka

Rokwe (frock or dress in English) zvinoreva mbatya inopfekwa nemadzimai inovhara muviri kubva kumapendekete kusvika pamabvi. Mamwe marokwe anogona kugadzirwa ari marefu zvekubata tsoka kana kunzvenzvera pasi zvichienderana nokuti mudzimai akaripfeka anoda kupfeka mupfekero upi.

Mamwe Mazwi[chinja | edit source]

  • Mujivha (Long garment e.g. woman's dress).
  • Maringa (Attractive additions to clothing or figure) kureva zvishongo zvakawedzerwa pachipfeko.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • MaXhosa vanoti ilokhwe (skirt) kureva rokwe.
  • MaZulu vanoti ililokwe kana amalokwe (Afrikaans: rok) kureva rokwe.
  • MaZulu vanoti umjiva kana imijiva (n. Swallow-tail coat) kureva mujivha.