Algeria
Algeria الجمهورية الجزائرية الديمقراطية الشعبية ⵟⴰⴳⴷⵓⴷⴰ ⵜⴰⵎⴻⴳⴷⴰⵢⵜ ⵜⴰⵖⴻⵔⴼⴰⵏⵜ ⵜⴰⵣⵣⴰⵢⵔⵉⵜ | |||
![]() | |||
| |||
Mitauro yekuMatare: | Chiarabbu, Berber | ||
Guta Guru: | Algiers | ||
Nharaunda: | 2381741 km² | ||
Hugari hweVanhu: | 40,400,000[1] (2016) | ||
Tsinhano yeHugari: | 15.9 km² | ||
I TLD: | .dz الجزائر. |
Arujeria (Chirungu: Algeria; Chiarabhu: الجزائر (al-Jazā'ir), Chibhebha:ⴷⵣⴰⵢⴻⵔ (Dzayer) kana sezvainozivikanwa Dhemokiratiki ripabhuriki yevanhu veArujeria inyika iri kuMaodzanyemba eAfurika, uye inyika yechiIziramu. Guta guru reArujeria rinonzi Aruja.[2] Rujeria inyika iri chikamu cheMagirebhu (Maghreb). Kumaodzanyemba rakaganhwa nebhaharireMedhiteraniyani, uye kumaodzanyembaemabvazuva rakaganhwa neTunisia, kumabvazuva neRibhiya uye neNaija kuchamhembechemaodzanyemba. Kuchamhembechemadokero neMaari neMoriteniya, kumadokero kweSahara yakaganhwa neMoroko.
Arujeria inyika hombe kwazvo muAfurika yese asi ruzhinji rwenyika yacho iGwenga reSahara.
Zita renyika rakatorwa kubva kuguta guru rakadaidzwa nezita rimwe chete rekuti "al-fill-ir" kana nyika nhasi ichienda kumutauro weChiarabhu.
Vambo rezita[chinja | edit source]
Zita renyika rinobva kuguta reArujyezi iro rinobva kuchiarabhu al-Jazāʾir (الجزائر, "zvitsuwa"),[3] chimiro chakatemerwa chekare Jazāʾir Banī Mazghanna (جزائر بني مزغنة, "Zvitsuwa zveMadzinza eMazghanna"),[4][5][6] rinoshandiswa nevadzidzi vemajogiraidhi vekare senge al-Idrisi.
Taranyika[chinja | edit source]
Huwandu hwenyika yeArujeria ruri mugwenga, iro gwenga resahara riri kudivi rechamhembe, saka 20% yemaodzanyemba enyika ndiyo nzvimbo ine mamisha ehuwandu hwenyika yacho. Idzo nzvimbo dzacho dziri padhuze neMedhiteriyani Kosti uye neMakomo eAtirasi. Iyo Atirasi yakakura kusvika mamita 2,308 pamusoro pemwero webhahari (MB; sea level).
Gwenga resahara rinotanga kuAtirasi uye richienda kuchamhembe kwerijoni reusw, robva rateera eriya rinejecha pasina kana zvinomera. Kuchamhembe chenzvimbo dziri kumusoro, dzine matombo chete.
Kudzikirira kuchamhembe kunemakomo akaita seTassili n'Aijier neAhaggar dzakareba mamita 2,918 richiita sezvitsuwa zvezvimera mugwenga. Kune nzizi dziri kumaodzanyemba enzvimbo dziri kostaru. Mipata dzenzizi dzemukati dzakaoma, kunze kwekumashure kwekunge kwanaya, nzizi dzinesimba dzinooneka maawa anoteera.
Mamiro ekunze[chinja | edit source]

Nzvimbo irikuchamhembe ine mamiriro ekunze anoshandukwa neBhahari reMedhiteriyani. Hujoto pamwedzi waNyamavhuvhu unosvika ku25 ° C uye mumwedzi waNdira unosvika 12 ° C.
Mumakomo marefu kune chando chinotonhora uye kunogona kuwanikwa magodo emvura muzhizha raNdira asi kupisa kwacho kunokanyanya muna Chikunguru / Nyamavhuvhu.
Chamhemmbe cheAtirasi ndicho chinotanga mamiriro egwenga; hujoto hunogona kusvika pamusoro pe20 ° C muzuva rimwe. Muzhizha hujoto hwunodarika 40 ° C asi munguva yechando inodonha pasi pe ° C panguva dzeusiku.
Mvura inonaya yakanyanya kuderera: kunoita makore akateedzana pasina kana donhwe rimwe. Mumakomo eAhaggar mune puresipitesheni ishoma nekuda kwemhute, saka miti inenge yakati wandei nezvimwe zvinomera zviripo.
Nhoroondo[chinja | edit source]
Nhoroondo yekare[chinja | edit source]
Kupinda kweMaarabhu[chinja | edit source]
Mafurenji[chinja | edit source]
Rusununguko[chinja | edit source]
Matunhu eArujeria[chinja | edit source]
Kune nzvimbo 48 dzehutungamiriri dzinodaidzwa kuti matunhu, anowirirana zvakanyanya kumatunhu ari kune dzimwe nyika.
1 Adrar
2 Chlef 3 Laghouat 5 Batna 6 Béjaïa 7 Biskra 8 Béchar 9 Blida 10 Bouira 11 Tamanghasset 12 Tébessa |
13 Tlemcen
14 Tiaret 15 Tizi Ouzou 16 Algiers 17 Djelfa 18 Jijel 19 Sétif 20 Saida 21 Skikda 23 Annaba 24 Guelma |
25 Constantine
26 Médéa 27 Mostaganem 28 M'Sila 29 Mascara 30 Ouargla 31 Oran 32 El Bayadh 33 Illizi 35 Boumerdès 36 El Tarf |
37 Tindouf
38 Tissemsilt 39 El Oued 40 Khenchela 41 Souk Ahras 42 Tipasa 43 Mila 44 Aïn Defla 45 Naama 47 Ghardaïa 48 Relizane |
MaGuta eArujeria[chinja | edit source]
Vanhu[chinja | edit source]
Vazhinji vagari vane musanganiswa weropa rweArabhu neTibheria uye mashoma eropa reTeki neTibheria; vangangoita vese (98%) vanotevera chitendero cheIziramu.
MaKristu vanotora huwandu 1%, kusanganisira maPurotesitendi nemaKaturike, asi vamwe vanokundikana kubuda nekuda kwekutya kutambudzwa.
Mitauro yepamutemo ndeyeChiarabhu (72%) uye Chihebheru (27-30%), asi vazhinji vacho vanotaurawo Chifurenji.
Mabviro eruzivo[chinja | edit source]
- ↑ "Démographie (ONS)". ONS. 19 January 2016. Archived from the original on 6 March 2012. Retrieved 19 January 2014.
- ↑ L.Carl Brown, (8 Chikunguru 2021), 'Arujeria' Yakatariswa: 12 Chikunguru 2021
- ↑ LLC, Forbidden Fruits (30 January 2013). iAfrica – Ancient History UNTOLD. Forbidden Fruit Books LLC.
- ↑ Bazina, Abdullah Salem (2010). The spread of Islam in Sub-Saharan in Africa (in Arabic). Al Manhal. ISBN 978-9796500024. Archived from the original on 16 December 2018. Retrieved 25 November 2018.
- ↑ al-Idrisi, Muhammad (12th century) Nuzhat al-Mushtaq
- ↑ Abderahman, Abderrahman (1377). History of Ibn Khaldun – Volume 6.