Eswatini

Kubva Wikipedia
Umbuso weSwatini
Kingdom of Eswatini
National motto: Siyinquaba

Eswatini (kare yainzi Swazilandi, parizvino pachihofisi inonzi: Umambo we Eswatini) inodanwazve ichinzi kaNgwane, inyika iri kuchamhembe kweAfurika. Nyika iyi yakakombwa neAfurika Chamhembe kumaodzanyemba, chamhembe madokero nekuchamhembechemabvazuva; kumaodzanyembaemabvazuva inoganhurana ne Mazambuko. Nyika iyi nevanhu vemo vanotora zita kubva kuna Mambo Mswati II.

Eswaitini ndiyo yedzimwe nyika dikisa muAfurika. Kubva kumaodzanyemba kusvika kuchamhembe kwayo pane makiromita 200, uye kubva kumabvazuva kusvika kumadokero pane makiromita 130. Asi zvakadaro nyika iyi inowanikwa rutaranyika rwakatsaukana nemamiriro ekunze akasiyana siyana; kumakomo kunotonhorera kwakadzika kunopisa uye kwakawoma. Vagari seEswatini ndeve ruchava rwechiNguni, vanodanwa seVaswati uye rurimi rwavo rwunonzi Chiswati. Nyika iyi yakavaururwa pakati pemwaka wechizana 18 ichitungamirwa naNgwane III; miganhu yayo iriko zvino yakatarwa mugore 1881. Mushure meHondo ye Vangezi ne Vabhunu, Eswatini yakava Nyika yakachengetedzwa ne Bhuritani kubva mugore 1903 kusvika 1967, cihizowana kuzvitonga musi wa 6 Gunyana 1968.

Vanhu vekuEswatini vanonzi Vaswatini uye munhu mumwe anonzi Muswatini/Mswatini, zvinodai nokuti havasi vanhu vose vokuEswatini varimuchikamu che Vaswati.

Zita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Eswatini yakambonzi Swazilandi kumashure, uye inonzi zve kaNgwane kutodza mutongi weUmambo wacho Mambo Ngwane. Pachishona inenge ichinzi Vuswati.


Utemabanze we Rudhende rweVuarabhu rweSaharawiSomarirandi

Mavuso anozivikanwa zvishoma

(Speini) Canary Islands / Ceuta / Melilla • (Putugaro) Madeira • (Furanzi) Mayotte / Réunion • (United Kingdom) Saint Helena / Ascension Island / Tristan da CunhaSahara ye Madokero

Zvisi ne Materitori ekunze