Kameruni

Kubva Wikipedia
République du CamerounRepublic of CameroonCameroon
National motto: Paix – Travail – Patrie / Peace - Work - Fatherland

Kameruni pachihofisi inonzi Rudhende rwe Kameruni inyika iri muAfurika iri kumadokero kweAfurika ye Pakati.

Nyika dzakakomberedza Kameruni dzinoti: Naijeriya kumadokero; Chadhi kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva; Rudhende rwe Afurika Yepakati kumabvazuva; nekuchamhembe kune Ghini Yomutsazanisi, Gabhoni, ne Rudhende rwe Vukongo. Kameruni ine zita remadunhurirwa rokuti Afurika doko nokuda kwehuwandu hwevanhu vakasiyana tsika nemagariro uye uwandu hwezvishongo zveketanyika. Nyika iyi yakashongedzwa nezvinoti: makomo, masango anonaya mvura; makura uye magwenga. Nzvimbo iri pakanyanya kukwirira ndiro Gomo re Kameruni riri kuchamhembe kwakadziva kumadokero. Maguta makurusa ndiwo anoti Douala, Yaoundé neGaroua. Cameroon ine mapoka endimi dzinotaurwa anodarika 200.

Nyika iyi inozivikanwa nokuda kwemhando yayo yemimhanzi kunyanya makossa nebikutsi uye chikwata chenhabvu chine mukurumbira wekugona nhabvu. Chifurenji ne Chingezi ndiyo mitauro yekumahofisi.

Vanhu vekuKameruni vanonzi Vakameruni uye munhu mumwechete anonzi Mukameruni/Mkameruni.

Utemabanze we Rudhende rweVuarabhu rweSaharawiSomarirandi

Mavuso anozivikanwa zvishoma

(Speini) Canary Islands / Ceuta / Melilla • (Putugaro) Madeira • (Furanzi) Mayotte / Réunion • (United Kingdom) Saint Helena / Ascension Island / Tristan da CunhaSahara ye Madokero

Zvisi ne Materitori ekunze