Kibena

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuVaBena)

Kibena mutauro unowanikwa kuchamhembe kweTanzania.

Mazwi Anotodza Shona[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Izwi rokuti mwana kana mwaana (child) ndiro rimwe kuKibena neShona.
  • VaBena vanoti dzenga (build) kureva kuvaka. Madziro emba anonzi chengo.
  • VaBena vanoti genda (walk) kureva kuenda kana kufamba.
  • VaBena vanoti lidembwe (elephant) kureva nzou.
  • VaBena vanoti fiala (fingers) kureva zvara.
  • VaBena vanoti ota (bask) kureva kugota.
  • VaBena vanoti dada (father) kureva baba.
  • VaBena vanoti lubali (side) kureva divi.
  • VaBena vanoti umuunu (person) kureva munhu.
  • VaBena vanoti umugunda (field) kureva munda.
  • VaBena vanoti madzebele kana matsebele (maize) kureva chibere.
  • VaBena vanoti vangu (my, mine) kureva vangu.
  • VaBena vanoti hugona (to sleep) kureva kukotsira. VaChewa vanoti kugona kureva kukotsira.
  • VaBena vanoti hugwa (to fall) kureva kuwa.
  • VaBena vanoti hugwisana (to trip each other) kureva kuwisana.
  • VaBena vanoti wuwumbi (pottery) kureva zviumbwa.
  • VaBena vanoti hufwa (death) kureva kufa.
  • VaBena vanoti hupya (burning) kureva kutsva.
  • VaBena vanoti humela (to grow) kureva kumera.
  • VaBena vanoti huwona (to see) kureva kuona.
  • VaBena vanoti hukula (to grow) kureva kukura.
  • VaBena vanoti hoogopa (to be afraid) kureva kugopa.
  • VaBena vanoti ndipunguliile kureva ndipungurire.
  • VaBena vanoti hutowa (to be hit) kureva kurohwa.
  • VaBena vanoti ndiilo (basket) kureva bhasiketi. Ndiro mudziyo kuShona.
  • VaBena vanoti mukoga (river) kureva rukova.
  • VaBena vanoti mweedzi (month) kureva mwedzi.
  • VaBena vanoti mutaanda (six) kureva tanhatu.
  • VaBena vanoti imipya (new) kureva mitsva.
  • VaBena vanoti paambele (later) kureva pamberi.
  • VaBena vanoti mbwa (dog) kureva imbwa.
  • VaBena vanoti viinu (things) kureva zvinhu.
  • VaBena vanoti pamukoga (at the river) kureva parukova.
  • VaBena vanoti yahwe (his/her) kureva yake.
  • VaBena vanoti moja (one) kureva rimwe.
  • VaBena vanoti ndege (airplane) kureva ndege.
  • VaBena vanoti dada (sister).
  • VaBena vanoti kaasi (work) kureva basa.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaBena vanoti mugavi (creator) kureva musiki.
  • VaBena vanoti lukandzi (wall) kureva madziro. VaSwahili vanoti ukuta.
  • VaBena vanoti sihu (day) kureva musi. VaSwahili vanoti siku.
  • VaBena vanoti mesa (table) kureva tafura. VaSwahili vanoti meza.
  • VaBena vanoti ligodolo (madras - type of cotton fabric, an alcoholic beverage). VaSwahili vanoti godoro.
  • VaBena vanoti mlango (door of wood) kureva gonhi.
  • VaBena vanoti malimo (work, cultivation) kureva murimo.


[1] [2]

  1. https://www.academia.edu/11057715/Imbrication_in_Bena
  2. https://scholarship.rice.edu/bitstream/handle/1911/70359/MorrisonM.pdf;sequence=1