Kukotsira
Jump to navigation
Jump to search
Kukotsira (sleeping kuChirungu) zvinoreva nguva iyo munhu anobatwa nehope orara kana kuenzera pangava pamubhedha kana pachigaro kana papi apo angakotsira ari. Vawongorori vanoziva nevehutano vanoti munhu mukuru anofanirwa kukotsira maawa manomwe kusvika masere 7-8 pazuva rimwe. Nyanzvi dzinotizve pahugaro hwake hwose munhu anenge akakotsira kwenguva inokwana kusvika zvikamu makumi matatu nenhatu pazana (33%).
Mamwe Mazwi[chinja | edit source]
- Kupepuka kana kubepura zvinoreva kumuka kubva kuhope. Sokuti ndapepuka pakati pousiku.
- Makope zvinotaura maererano nemakotsiriro anoita munhu. Mumwe anganzi ane makope etsuro kureva kuti anokotsira akavhura maziso setsuro.
- Maji kana manhede zvinotaura munhu akarara nomusana. Shoko rokuti manhede rinoshandiswawo kana munhu awa nemagotsi kana kuti ari kushambira akatarira kunenga- back stroke.
- Kutsivama (to lie facedown) kurara wakatarisa pasi.
- Kudedemadza (Make to lie on back. Turn over onto back. Incline backwards). Dedemadza hamba: turn the tortoise onto its back. Kudedemara (Lie on back)
- Kutsumwaira, kudzimwaira kana kutsimwaira (doze off, take a nap).
- Uvato (sleeping place).
- Kuenzera, kuyenzera, kurinda, kuvata, kutsenama.
- Kukondeka (to sleep) apa zvichireva kurara hope. Tichandokondeka hope kana tasvika pamana redu: we shall go to sleep when we reach our home.
- Kukubura kana kupfodora (Sleep deeply).
Tsumo[chinja | edit source]
- Katumba kausarara usatanga wakatenda. A cottage in which you have not slept yet you should not praise.
- Ndisvike-ndisvike inoradza vazhinji panzira.
Mitauro yeBantu[chinja | edit source]
- VaZigula vanoti tongo kana matongo kureva hope. VaKinande vanoti otulo kana obupyame (n. sleepiness) kureva hope.
- VaNyungwe vanoti -phepuka (awake) zvichireva kupepuka.
- VaHerero vanoti tata kana vandama (lying prostrate). VaGulu vanoti kugonesa (v. lay) kureva kuradzika.
- VaGiryama vanoti ku-kunukira (v. dzose) vachireva kutsimwaira. Mamwe mazwi: ku-kunukiza (v. to make drowsy).
- VaWanga vanoti okhuyenzera (be flat; be level; lie still; be stagnant; be calm) vachireva kuti chechetere. Mamwe mazwi: okhuyenzesia (flatten; calm; quieten; knock down flat).