Gonhi

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
L-door.png

Gonhi (door) zvinoreva chivakwa chinoshandiswa kuvhara mukova. Kazhinji gonhi rinogadzirwa nemapuranga akavezwa, asiwo rinokwanisa kugadzirwa nesimbi, kana plastic yakasimba.

Mamwe mazita anodavidzwa ndiwo anoti, sasa, dhowo kana kuti dimba kuchiManyika.

  • Dimba (door-step, a doorsill, door, threshold). Iri shoko ringakwanisa kuzoshandiswa kuumba mazwi anodudzira zvinonzi electrode, anode, cathode kuEnglish.
  • Musuwo, musuo kana muko (the entranceway to a room, building, or passage) apa kureva nzvimbo iri panopindwa napo mungava mumba, muchivakwa kana mubiravira.
  • Sasa rairukwa netsanga. Vamwe vanoti ruvi pahuwandu voti nduvi. Ziruvi ukagova mutupo wevanhu.
  • Mbindirira isuwo riri mukati memba risingabude kunze.
  • Mukova (doorway, open yard on a homestead).
  • Biyo chitanda chaishandiswa kuvhara chakatandarika pagonhi kana pamusuwo. Mapiyo pahuwandu.
  • Kukwedekera (guarded and/or made stronger so that it is difficult for people to enter or leave (e.g. door)

Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]

  • Mbudo, rubudiro (Exit) igonhi rinoshandiswa kubuda naro panzvimbo.
  • Mbindo, rupindiro (Entrance) igonhi rinoshandiswa kupinda naro panzvimbo.