Ndege

Kubva Wikipedia

Ndege (kureva Aeroplane kuChingezi). Kuti ndege isumuke kune zvinhu zvakakosha zvinoti:

  • Mapapiro akatwasuka pasi ane pamusoro pakaita hubumbe.
  • Kugona kumhanya kusvika paspidhi yakakura unozogonesa ndege kusimuka.

Puresha yemhepo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kana mhepo ichinge ichivhuvhuta puresha yayo inodzika nekukwira kunoita spidhi yemhepo. Kana spidhi yemhepo ikaderera puresha yemhepo inokwira. Kucherechedzwa kwechiitiko ichi ndiko kunoshandiswa pakusimudza ndege kuenda mudenga.

Paye ndege inenge yomhanya panhandare yendege mweya unomhanya ichipesana nemapapiro endege. Puresha iri pasi pemapapiro inosiyana nepuresha iri pamusoro pemapapiro.

  • Mweya uri kufamba nepasi pebapiro inefamba nhambwe diki pane iri kufamba nepamusoro. Izvi zvinokonzerwa nokuti pasi pakatwasuka, asi pamusoro pakaita hubumbe.
  • Izvi zvoreva kuti mweya uri pamusoro pemapapiro unomhanya nemurumba wakakura kudarika uri pasi. Kusiyana kwespidhi kunokonzera kusiyana kwepuresha sezvataurwa pamusoro.
  • Izvi zvinoreva kuti puresha iri pasi pebapiro yakawanda pane iri pamusoro pebapiro. Kuwanda kwepuresha pasi pemapapiro fosi inonzi simudzo inova ndiyo inosimudza ndege kuenda mudenga.

Paku bhururuka kwendege, pane mamanikidzo (force) mana anonge achitamba pandege. Manikidzo idzi dzinoti, simudzo, gwesho, gunganidzo ne thrust. manikidzo yesimudzo neye gunganidzo dinopesana kana kuti kupikisana dzichibva mativi akasiyana. Ye gwesho ne thrust zvinopikisanawo zvichibva mativi akasiyana asi manikidzo idzi dzinenge dzaka chinjikana ne-e simudzo ne gunganizo. Kuti ndege ikwanise kubhururuka, manikidzo yesimudzo inenge yakafanana neye ngunganidzo.

Simudzo = gunganidzo

Uye ye gwesho inenge yaka fanana neye thrust

Gwesho = thrust

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kana uri mundege zvinhu zviri pasi zvinogangarika: when you are in an aircraft the things on the ground are clearly visible.

Mitauro ye Chibanthu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]