Nzou

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search
Serengeti Elefantenherde1.jpg

Nzou (elephant in English) zimhuka ziguru-guru rinowanikwa kuZiwumbe reAfrica nereAsia. Nzou ndiyo mhuka hombe hombe pamhuka dzinowanikwa padunhu dzisingagare mumvura. Vamwe vanotaura zita iri vachiti zhou.

Nzou dzinowanikwa muAfrica dzine nyanga; nzou dzinowanikwa kuAsia dzimwe hadzina nyanga. Nzou dzinotakura nhumbu kwemwedzi makumi maviri nemaviri (22). Painozvarwa nzou inenge ine huremu hunosvika 105 kg. Nzou dzinorarama makore 50-70.

  • Mhuvi inzou isina nyanga.
  • Gaka renzou (intestine of elephant used as sleeping bag) apa kureva matumbu enzou aishandiswa sebhegi rekurarira.
  • Murevo (elephant's trunk).

Tsumo[chinja | edit source]

  • Kuita kwewashaya kuteya nzou neriva.
  • Nzou hairemerwe nenyanga dzayo.
  • Nzou mutupo pana vanhu paseri ava machikichori.
  • Chirango chatimba kuti nzou pinda mumba. It is a mere formality for a (small bird) to invite an elephant to its nest.
  • Kuvaraidza zuva kuteya nzou neriva. It is just killing time if one sets a stone-trap for an elephant.

Mazita emhuri[chinja | edit source]

Kune mazita emhuri ane chekuita nenzou. Mamwe ndiwo anoti: Zhou, Nzou, Chinzou, Samanyanya, Mashambanzou.