Chiswahili
Chiswahiri kana Chiswahili (sw. Kiswahili) mutauro we Chibantu unevatauri vakabva kuTanzania unotaurwa munyika zhinji dzeAfurika kunyaya kuMabvazuva, dzinosangananisa: iyo Tanzania, Utemabanze we Rudhende rwe Vukongo, Kenya, Mazambuko, Vurundi, Rwanda, neVuganda. Chiswahiri mutauro weVaswahiri.
Chishona chinemashoko mazhinji akafanana neChiswahiri nokuti chakawanza kufanana nemitauro ye kumabvazuva eAfurika, uye zve ine mashoko mazhinji yayakatora kubva kuChiswahiri.
Chiswahiri pachacho, chinemashoko mazhinji achakatodza kubva kuChiarabhu uye kumimwe mitauro nekuda kweizvi chinotaurwa kakuru muAfurika nokuti munhu anokwanisa kutauro nezvemisoro yese ye nyaya neChiswahiri, kubva kuSainzi, kuenda kumasvomhu uye kuTarachisi. Nekuda kweizvi vanhu vazhinji vanotoda kuti Chiswahiri chive mutauro weAfurika.
Horokodzwa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
Mashoko anotodza Chishona[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
Chiswahiri | Chishona | Tsananguro |
---|---|---|
moyo, mtima | moyo, mhumba | |
nyama | nyama | |
usiku | usiku, husiku | |
lini | riinhi | |
chisekwe | sekwe | |
kusamba | kushamba | |
nzhiba | njiva | |
makoa | magaka | |
makamba | mufarinya | |
mabuzu | mauyu | |
nyati | nyati | |
twiga | twiza (furiramudenga) | |
ng'ombe | n'ombe, mombe | |
jumbe | jumbe, ishe | |
udongo | dongo, udongo | |
kufa | kufa | |
uzima | uzima, vuzima | shoko iri rakatorgwa kubva kuChiswahiri wo |
upofu | upofu | |
ndoto | ndoto | |
mbwa | imbwa | |
bata | bata (dhadha) | dhadha rakakuChinhuni, Chivanhu chaiti bata wo |
tembo, ndovu | nzou, zhou | |
ngoma | ngoma | |
ngano | ngano | |
njaa, ndaa | nzara, zhara | |
baba | baba
|
|
pole pole | pore pore | kureva "slowly" |
mpofu | mhofu | |
kula | kudya | |
taka | daka, dakara | kureva "want" |
bahari | bhahari | kureva "sea", shoko iri rakabva kuChiarabhu
rakatorwa ne Vashona kubva kuChiswahiri wo |
jenga | jenga |
Mamwe mashoko[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
- Swahili inoti shamba (garden), kureva bindu.
- Swahili inoti mtume (Apostle), kureva nhume yaMwari.
- Swahili inoti nyani (Ape) . Chinyani izita remhuri.
- Swahili inoti nanga (Anchor) .
- Swahili inoti maziwa (breasts) kureva mazamu.
- Swahili inoti kwapa kana makwapa (armpit), kureva hapwa.
- Swahili inoti mpaka kana mipaka (border or boundary), kureva mudzivo wenyika.
- Swahili inoti jangwa kana majangwa (desert) kureva gwenga.
- Swahili inoti bongo kana mabongo (brains) kureva huropi.
- Swahili inoti mkate (bread) kureva chingwa.
- Swahili inoti rushwa (bribe) .
- Swahili inoti ukiwa (desolation; solitude) .
- Swahili inoti mchana (daylight) kureva muswere wezuva.
- Swahili inoti makaa (coals), kureva marasha.
- Swahili inoti mavi (feces) kureva dhodhi.
- Swahili inoti tawa kana matawa pakuwanda (frying pan of metal) .
- Swahili inoti jicho (eye) kureva ziso.
- Swahili inoti umbo kana maumbo (form; outward shape) kureva chimiro.
- Swahili inoti chula (frog) kureva datya.
- Swahili inoti majani (foliage) kureva kuveza