Dhadha

Kubva Wikipedia
Dhadha
Dhadha

Dhadha, sekwe kana bata (Duck in English) ishiri inowanikwa musango uye ichipfuyiwa pamusha. Shiri iyi inokura kudarika huku uye inodyiwa nyama.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • MaZulu vanoti ilidada kana amadada (n. duck ) vachireva dhadha. VaLozi vanoti sipato kureva dhadha. VaYao vanoti utambwi (the webfoot of a duck).
  • VaLenje vanoti liwata kana mawata pakuwanda (n. duck) kureva dhadha. VaNgala neVaYao vanoti libata (duck) kureva dhadha.
  • VaGiryama neVaSwahili vanoti bata kana mabata pakuwanda (duck) kureva dhadha. VaVenda vanoti sekwa kana masekwa kureva dhadha.
  • VaTonga vanoti isekwa, VaTsonga vanoti sekwa (Duck) kureva dhadha. VaYao vanoti lisekwe (species of wild duck) kureva mhando yedhadha remusango.
  • VaLenje vanoti samba (v. swim, float) vachireva kuramba uri pamusoro pemvura.