Bindu

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
KaffrineGarden.jpg

Bindu (garden) inzvimbo inorimwa muriwo pamusha. kazhinji ndima inosevenzeswa sebindu inenge iri ndima ndiki, kana yava hombe inonzi munda. Madzinde anodyarwa mubindu inosanganisira madomasi, muriwo, bhinzi, nzimbe, mhiripiri, mabhanana nezvimwewo.

Kumadhorobha vazhinji vanodiridza nemvura inouya nepaipi; kumaruwa vanodiridza nemvura inotorwa murwizi kana mutsime. Kare vakanga vane mapindu airimwa munguva yechirimo ainzi macheke, aya airimwa pedyo nerukova; humwe ronzi jeke. Apa panodaro paripo panobva zita reguta reMacheke. Mazuvano nokuda kwekuti kudiridza kwave nyore mabindu ave kurimwa chero upi mwaka - iye zvino green house ndiyo yoita sejeke.

Mamwe Mazwi[chinja | edit source]

  • Mataga (temporary huts for watchers in gardens) apa kureva nhungu inoshandiswa nevarindi vebindu.