Chiswahili

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Chiswahiri kana Chiswahili (sw. Kiswahili) mutauro we Chibantu unevatauri vakabva kuTanzania unotaurwa munyika zhinji dzeAfurika kunyaya kuMabvazuva, dzinosangananisa: iyo Tanzania, Utemabanze weRudhende rwe Vakongo, Kenya, Mozambiki, Vurundi, Rwanda, neVuganda. Chiswahiri mutauro weVaswahili.

Chishona chinemashoko mazhinji akafanana neChiswahiri nokuti chakawanza kufanana nemitauro ye kumabvazuva eAfurika, uye zve ine mashoko mazhinji yayakatora kubva kuChiswahiri.

Chiswahiri pachacho, chinemashoko mazhinji achakatodza kubva kuChiarabhu uye kumimwe mitauro nekuda kweizvi chinotaurwa kakuru muAfurika nokuti munhu anokwanisa kutauro nezvemisoro yese ye nyaya neChiswahiri, kubva kuSainzi, kuenda kumasvomhu uye kuTarachisi. Nekuda kweizvi vanhu vazhinji vanotoda kuti Chiswahiri chive mutauro weAfurika.

Horokodzwa[chinja | edit source]

Mashoko anotodza Chishona[chinja | edit source]

Chiswahiri Chishona Tsananguro
moyo, mtima moyo, mhumba
nyama nyama
usiku usiku, husiku
lini riinhi
chisekwe sekwe
kusamba kushamba
nzhiba njiva
makoa magaka
makamba mufarinya
mabuzu mauyu
nyati nyati
twiga twiza (furiramudenga)
ng'ombe n'ombe, mombe
jumbe jumbe, ishe
udongo dongo, udongo
kufa kufa
uzima uzima, vuzima shoko iri rakatorgwa kubva kuChiswahiri wo
upofu upofu
ndoto ndoto
mbwa imbwa
bata bata (dhadha) dhadha rakakuChinhuni, Chivanhu chaiti bata wo
tembo, ndovu nzou, zhou
ngoma ngoma
ngano ngano
njaa, ndaa nzara, zhara
baba baba
  • bambo/abambo, tate/atate, atsano
pole pole pore pore kureva "slowly"
mpofu mhofu
kula kudya
taka daka, dakara kureva "want"
bahari bhahari kureva "sea", shoko iri rakabva kuChiarabhu

rakatorwa ne Vashona kubva kuChiswahiri wo

jenga jenga

Mamwe mashoko[chinja | edit source]

  • VaSwahili vanoti shamba (garden), kureva bindu.
  • VaSwahili vanoti mtume (Apostle), kureva nhume yaMwari.
  • VaSwahili vanoti nyani (Ape) . Chinyani izita remhuri.
  • VaSwahili vanoti nanga (Anchor) .
  • VaSwahili vanoti maziwa (breasts) kureva mazamu.
  • VaSwahili vanoti kwapa kana makwapa (armpit), kureva hapwa.
  • VaSwahili vanoti mpaka kana mipaka (border or boundary), kureva mudzivo wenyika.
  • VaSwahili vanoti jangwa kana majangwa (desert) kureva gwenga.
  • VaSwahili vanoti bongo kana mabongo (brains) kureva huropi.
  • VaSwahili vanoti mkate (bread) kureva chingwa.
  • VaSwahili vanoti rushwa (bribe) .
  • VaSwahili vanoti ukiwa (desolation; solitude) .
  • VaSwahili vanoti mchana (daylight) kureva muswere wezuva.
  • VaSwahili vanoti makaa (coals), kureva marasha.
  • VaSwahili vanoti mavi (feces) kureva dhodhi.
  • VaSwahili vanoti tawa kana matawa pakuwanda (frying pan of metal) .
  • VaSwahili vanoti jicho (eye) kureva ziso.
  • VaSwahili vanoti umbo kana maumbo (form; outward shape) kureva chimiro.
  • VaSwahili vanoti chula (frog) kureva datya.
  • VaSwahili vanoti majani (foliage) kureva kuveza

Mabviro eruzivo[chinja | edit source]

ekunze[chinja | edit source]

  1. https://www.weltladen-moemlingen.de/download/swa_eng_dict_text.pdf