Kujekesa Kushanda
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuMushininga)
Chinyorwa chino chiri kunganidza mwazwi anoreva kushanda.
- Kubata basa ; Kushuma; Kusevenza, Mubato.
- Bakanyira kana mabakanyira (Co-operative activity).
- Kubindikita (1. Give all one's attention to an occupation, 2. focus on one thing). Anobindikita kurima: he has no thought for anything except his farm work.
- Chiradza (Strong person or beast). Ichi ndicho chiradza chekuchera - that one is the strongest at digging.
- Kushumira. VaVenda vanoti shuma (v. work) vachireva kushanda.
- Mushumo (labour)
- Mushumiri (labourer).
- Murimo (work, function). Chinhu ichi chine murimoyi?
- Bishi (busy, whole-hearted activity). Pane bishi hapadanwi anonzwa.
- midinu, resva kana sikata (ideophone of many carrying out an action together). Vadzimai vakati midinu kutsime: the women all went to fetch water from the well.
- Kumidinudza (Cause several people to carry out their several tasks).
- Kuminaidza (Cause to work hard). Kuminaika kana kuminaira (Work energetically). Kuminara (Move energetically). Anominara pabasa: he works hard.
- Kuruvira, kuruva kana kuruvira zvokudya (to work for one's keep or for food) kushandira nechinangwa chokuzopiwa chokudya semuripo webasa rakabatwa. Muruviri munhu anoshanda seizvi.
- Mushando (work, job, occupation).
- Mapwe (Quickness in work). Tinoda kuona ana mapwe: we want to see who will get the most done.
- Kubinduka kureva kushanda zvisina zororo.
- Kudzaranisa kana kuzazambura (work much and well; be able; to do many things)) kureva kushanda basa zhinji uye kurishanda nemazvo
- Kuita chimhukutira kushanda munyerere nechinangwa yekusada kuonekwa uye muchikasira. . Akarima chimhukutira: he ploughed by himself without asking neighbours to help.
- Kuita Mashonga (do regularly at the right time).
- Kubizuka (do physically hard work) kuita basa rinorema.
- Bodyo, mabodyo, mushininga, mapandu, mukowa kana mikowa (hard work, difficult undertaking, great task) basa risiri nyore kuita.
- Kuchama (concentrate, toil) zvinoreva kutsunga uchishanda nesimba. Anochamira kurima chibage.
- Chihuyane, chihuyani kana chihuyana (gentle action)
- Chihunyaneni, (very gentle action)
- Chinono (Slowness of action) sokuti - Hamba ine chinono.
- Kukondana kana gondano (Shifting of responsibility (passing the buck), when no one has been named expressly as being responsible).
- Madzakatambwa (1. Badly done work. Unprofitable discussion). vamwe vanoti madzanambwanana.
- Mudzinzwa kana mutsvawetsambo (Inexperienced person, new to the work in hand). zvinotaura munhu achiri mutsva pabasa riripo.
- Kuminyaudza, kuminyauka (Cause to be energetic. 2. Encourage 3. Cause to lift heavy object) - apa kureva kugwinyisa kana kupa simba rekubata basa. (Minyau idea of being energetic or lift heavy object).
- Kugwinya (to be energetic, to be strong, to put forth all of one's strength).
- Dindikwa kana matindikwa (Uncompleted work, journey, legal case) apa kureva chirongwa chakasiyirwa pakati - kunonzi kutindika. Wacho anoshanda seizvi onzi matindike. Maitiro acho anonzi kutindika kana kutindidza. Matindike izita remhuri.
- Kudzengedza kana kudzivaidza (Interrupt or disturb person at work).
- Gwinyiro kana magwinyiro (1. Ambition 2. goal of). Gwinyiro rake kuva mutyairi wechitima: his ambition is to be an engine driver.
- Govere (good workman).
- Njinga (hard working man).
Kujekesa Bishi
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Mubishi kana mubisha (lndustrious person) munhu anoshanda zvakanyanya - iri shoko ringashanda kuturikira inonzi operator kuEnglish.
- Mubishingo (Scene of great activity with many people all busy). apa kureva pacho pari kushandwa basa zvakanyanya. Iri shoko ringashanda kuturikira inonzi operating site or opera kuEnglish.
- Kubishinga kana kubisha (working diligently) Vari kubishinga mabasa kurima. Amai vanobishikoshandira mhuri yavo: a mother works diligently for the family.
- Mubisho (1. Hard work, 2. Diligence, 3. Utility) iri shoko ringashandiswa kuturikira inonzi operations kuEnglish. Hurumende yeZimbabwe yakaita Mubisho weMurambatsvina mugore 2005; mubisho uyu waiva nemakakatanwa waive pakuda kuziva chinzero chazvakaitirwa uye kucherechedza matambudziko aiveko ekuti vanhu vakapazirwa dzimba nematumba avaigara.
- Kubirisha (Work energertically) ndiko kubishinga.
- Mushashatu (one who is quick at work).
- Baya (unconvenial task; misfortune e.g. continual ill health). Basa rekupwanya matombo nenyundo rinobaya.
- Musharo wevashandi (worker's wages) apa kureva muhoro kana mubhadharo unopiwa vashandi maringe nebasa ravakabata.
Kurerutsa Mutauro
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Akatiminaidza nhando ndokuramba nohwahwa hwedu hwatakabatira: he made us work unnecessarily hard and then would not give us the beer we worked for.
- Varume navakadzi vakaswerominaidzana nebasa rokusakura: the men and women busied themselves the whole day weeding in the lands.
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- VaHerero vanoti otyiungura (work; operation) kureva basa. VaHerero vanoti ungura kana tyita (work; do, act) kureva kushanda basa.
- BaKalanga vanoti shingi (worker; an employee; a labourer) kureva mushandi. BaKalanga vanoti shingidzana (cooperate; work together) kureva kushanda pamwe.
- BaKalanga vanoti shingo (work; employment) kureva basa.
- VaHaya vanoti omulimo (work) vachireva basa. VaHaya vanoti okukora kana kukola (to work) vachireva kushanda.
- VaLenje,VaBwisi neVaNyoro vanoti mulimo (labour, work, job, occupation, employment). VaLozi vanoti -sebeza (v.t. to work, to do, to labour) vachireva kusevenza.
- VaLungu vanoti ukuoomba (to work) kureva kushanda. VaNyakyusa vanoti bomba (work, do) vachireva kushanda kana kuita.
- Mang'anja vanoti kuomba (to work material) vachireva kushanda nezvinobatwa. VaTonga vanoti balumi ba beleka (men they work) vachireva varume ava vanoshanda.