Lozi
(Redirected from VaLozi)
Jump to navigation
Jump to search
Silozi mutauro unowanikwa kuZambia neNamibia. Mutauro weSilozi une mamwe mazwi anotodzana nemazwi eChiShona.
Mazwi Anotodzana[chinja | edit source]
- VaLozi vanoti kusinya (destroy), Shona ichiti kuchinya.
- VaLozi vanoti kutima (breast; udder), Shona ichiti kudzima kureva zamu.
- VaLozi vanoti kulima (agriculture), Shona ichiti kurima.
- VaLozi vanoti feza, Shona ichiti kupedza kureva kusvitsa pakuguma.
- Izwi rinoti kuwa (fall) rinoreva zvakafanana kuShona neVaLozi.
- Batu kuVaLozi ndivo vanhu kuShona.
- VaLozi vanoti Mulimu kana Nyambe (God); Shona ichiti Mwari.
- VaLozi vanoti malilo kana mafu (funeral), Shona ichiti rufu, marufu kana ndufu.
- Izwi rokuti kufula (graze) kuVaLozi rinotauwa richinzi kufura kuShona.
- Lozi inotaura mulilo (fire), Shona ichiti moto.
- Tate kana baba kuShona, ndivo ndate kuVaLozi.
- Rurimi kuShona ndirwo lulimi (tongue, 2 language) kuVaLozi.
- VaLozi vanoti kulwana (fight), Shona yoti kurwa kana kurwisana.
- Tolongo (jail or prison) kuLozi ndiro jeri kana torongo kuShona.
- Kubaba (Itch) kuVaLozi ndiko kuvava.
- VaLozi vanoti musima (hole), Shona toti musimha.
- VaLozi vanoti mupoti kana muenyi (visitor), Shona toti mweni.
- VaLozi vanoti kupota (to visit), Shona toti kushanya.
- VaLozi vanoti kuwani (hat); Shona inoti nguwani.
- VaLozi vanoti sulwe (hare) Shona inoti tsuro.
- VaLozi vanoti musika (market) Shona inotiwo musika.
- VaLozi vanoti mulao (law) Shona inoti murau kana murao.
- VaLozi vanoti kulibala (forget) Shona inoti kurivara.
- VaLozi vanoti mbowa (mushroom) Shona inoti hohwa.
- VaLozi vanoti nama (meat) Shona inoti nyama.
- VaLozi vanoti sando (hammer) Shona inotiwo sando kana nyundo.
- VaLozi vanoti sulwe (hare) Shona inoti tsuro.
- VaLozi vanoti simbi (metal) Shona inoti simbi.
- VaLozi vanoti kuzuma (hunt) Shona inoti kuvhima.
- VaLozi vanoti kupumula (rest) Shona inoti kupumhura.
- VaLozi vanoti kufuma (to be rich) Shona inoti kupfuma.
- VaLozi vanoti kubenya (shine) Shona inoti kupenya.
- VaLozi vanoti peu (seed) Shona inoti mbeu.
- VaLozi vanoti mati (saliva) Shona inoti mate.
- VaLozi vanoti kulooza (sharpen) Shona inoti kurodza.
- VaLozi vanoti kulube (pig) Shona inoti nguruve.
- VaLozi vanoti likwali (partridge) Shona inoti chikwari.
- VaLozi vanoti makwili (potatoes) Shona inoti magwiri kana mbatata.
- VaLozi vanoti tafule (table) Shona inoti tafura.
- Barotse vanoti liino (tooth) Shona inoti zino.
- Njanji (railway) ndizvo zvimwechete kuLozi neShona.
- BaRotse vanoti muloi (witch) Shona inoti muroyi.
- VaLozi vanoti mukwakwa (road) Shona inoti mugwagwa.
- VaLozi vanoti mukuwa (whiteman) Shona inoti mukiwa.
- VaLozi vanoti kubulaya (kill) Shona inoti kuuraya.