Mubisho weMurambatsvina

Kubva Wikipedia

Mubisho weMurambatsvina zvinotaura charadza chakaitwa nehurumende yeZimbabwe payakaraira kuparadzwa kwematangwena munyika yose. Mubisho weMurambatsvina wakaitika mugore 2005; Sangano reMubatanidzwa weNyika Pasirose rinoti vanhu vanosvika 700,000 vakarasikirwa nedzimba dzavo vamwe vakarasikirwa nemabhizinisi aivararamisa. Kune fungidziro yokuti vanhu vanosvika mamiriyoni 2.4 vakarasikirwawo nedzimwe nzira. Mutungamiri wenyika Robert Mugabe nemakota ehurumende vanoti ivo Mubisho weMurambatsvina wakaitwa nechinangwa chekumisa bongozozo rakanga ravepo pakutengeserana nhumbi uye kuvakwa kwedzimba zvisiri pamutemo. Kunonzi donzvo reHurumemnde rakanga riri rokudzivirira njodzi dzekupararira kwezvirwere zvinotapukira munzvimbo dzinogara vanhu.

Mapato anopikisa, maKereke, neMasangano Asiri eHurumende vakatsoropodza Mubisho weMurambatsvina zvikuru, uye mashoko ekutsoropodza akabudawo kubva kurudhende rwedzimwe nyika. Sangano reMubatanidzwa weNyika Pasirose rakaonesa kuti chirongwa ichi chakaitwa senzira yekudzinga nekushayisa pekugara vanhu vanopikisa vaRobert Mugabe; ava vanhu varivo chikamu chikuru chevarombo vari mumadhorobha nekumaruwa. Shoko rokuti charadza (campaign, hunting expedition) rinotaura mabasa ekushingaira kwevavhimi, apo vanoita rwendo rukuru rwekunovhima kwemazuva ane chitsama; kuvhima kwerudzi urwu riri basa guru risangasiitwa mazuva ose. Saka pakuita Mubisho weMurambatsvina vamwe vangati hurumende yakanga iri kushingaira pabasa rekuvhima nokuparadza matangwena.