Huremu
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuMhizu)
Muchidzidzo fundoyetsimba, huremu izwi rinoreva kupimwa kwehuwandu hwesebhe (matter kuEnglish) anoumba chiro (object) chiri kutaurwa nezvacho. Huremu hunopimwa nechiyero chinonzi kilogram.
Mamwe Mazwi
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Kupangamuka kana kupangama (to be bulky) zvinoreva chinhu chine mumhu wakakura, imwe nguva chisina huremu hwakakura.
- Mhizu (ideophone of lifting heavy object).
- Kumhizura (lift heavy object) zvichireva kunyamura kana kusesenya.
- Kumhizudza (cause to lift heavy object).
- Kumhizuka (be able to be lifted - heavy object).
- Kutsikirirana, kuunganira, kumandana (mass together).
- Kudzitsinyira (Exert all one's strength to lift, push, pull, etc. a heavy object). Zvichireva kushandisa simba rako rose uchisunda kana kuzvuva mutoro unorema.
- Dhindishidza (Cause heavy object e.g pumpkin to rebound).
- Kudhindishika (Rebound heavy object).
- dhindishiri kana dindiziri (ideophone of Rebounding slightly - generally heavy object).
- Kumbindidza (1. Load heavily- kuvivitidza, 2. Transfer heavy weight from one to another. 3. Weigh down - kutsitsa.
- Kumbindika (Be weighed down, oppressed).
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Kimbundu vanoti munemu (n. weight). VaKabwa vanoti obhurito (n. weight) kureva huremu.
- MaZulu vanoti ubuzima (n. Heaviness, weight; importance; difficulty) kureva huremu kana kugozha.
- VaLozi vanoti bukiti (n. heaviness, weight) kureva huremu. VaSwahili vanoti uzito (n. weight) kureva huremu.
- Kikongo neLingala vanoti kilo (n. heavy) kureva kuremera. VaKongo vanoti mfinga (n. heaviness; weight) vachireva huremu.
- VaKongo vanoti ejitu (n. heaviness, weight, density) kureva huremu. VaMbugwe vanoti -rito; ndito (adj. heavy).
- VaNyoro vanoti obulemezi kana bulemezi (weight) kureva huremu.