Nhika

Kubva Wikipedia

Muchidzidzo chemasvomhu, nhika imhando yezvinyanye inoreva kushomekesa kunotenderwa pauhwandu hwechinhu chiri kutaurwa nezvacho.

  • Zvinyanye (Extrema) - iri shoko rinodudzira panogumira hukuru uye huduku hwemupimo uri kutaurwa nezvawo. Sokuti mvura inowanikwa pakati pezvinyanye zve 0-100o Celsius. Zvinyanye izita rapiwa richitora pakutaura kwemazuva ose patinoti "zvanyanya, zvanyanyisa kana kuti zvakanyanya - kuChirungu vachiti extreme or extremely". Kana totarisa humwe hweZvinyanye tinoti chinyanye (extremum, singular)
  • Nharire (Maximum) - iri izita rapiwa kududzira panogumira hukuru hwemupimo uri kutaurwa nezvawo. Sokuti muZimbabwe motokari dzinotenderwa nharire yemuchacha we 120 km/hr pamigwagwa mikuru. Mukutaura kwemazuva ose nharire inzvimbo yakakwirira, paive nemunhu airinda nyika yaShe achitarira kuti kune vavengi vanouya here.
  • Nhika (Minimum) - iri izita rapiwa kududzira panogumira huduku hwemupimo uri kutaurwa nezvawo. Sokuti hurumende inoronga kutara mari inotambiriswa vashandi ive panhika ye$150 pamwedzi. Pakutaura kwemazuva ose nhika inzvimbo iri pakadzika tichifananidza nenhraunda yenzvimbo iyoyo.
  • Avhareji (Average) - iri izita rapiwa kudzudzira nhamba inowanikwa kana nhamba dziripo dzahwerengedzwa, dzichizogovaniswa nehuwandu hwenhamba dziripo. Sokuti vana vanopedza Chikoro ChePrimary vaine avhareji yemakore 13 ekuberekwa.
  • Chiwanza (Mode) - iri zita rapiwa kududzira nhamba inoonekwa zvizhinji paboka renhamba dziri kutaurwa nezvadzo. Sokuti kana tiine boka (set) renhamba dzinotevera: 3,4,6,7,8,9,10,4,11,2,1,4; tinennge toti nhamba 4 ndiwo chiwanza

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kimbundu vanoti kateke-teke (n. minimum).