Gunganidzo

Kubva Wikipedia

Muchidzidzo cheScience gunganidzo (Gravity) izwi rinotsanangudza chiitiko chinoonekwa pazviumbwa zvemuchadenga kuti zvinokweva chero chipi chiumbwa nefosi rine kukura kunoyenderana nehuremu hwezviumbwa.

Fosi regunganidzo ndiro rinokweva mvura kuti iwungane munzvimbo dziri pakaderera uye kuti chinhu chichinge chakandwa mudenga chidzoke zvakare pasi.

Fosi yegunganidzo pakati pezuva nenyika ndiyo inoita kuti Rinopasi (earth) rirambire muBoterekwa (orbit) rimwechete marinotenderera dendera rimwe (1) pagore risingatetereke muchadenga. Zuva rinokwezva nyika kuti irambe ichitenderera muBoterekwa risingashunduke.

Dzimwe nyeredzi dzose dzinofamba neBoterekwa rakatarwa dzinodariswo negunganidzo pakati penyeredzi (planets) idzodzo nezuva. Zuva rinokwezva nyeredzi kuti dzirambe dzichitenderera neBoterekwa risingashunduke. Chiitiko chegunganidzo chinotsanangurwa nedudzirazivo rakanyorwa naIsaac Newton rave kunzi Mutemo weGunganidzo waNewton - Newton's Law of Gravity.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • MaZulu vanoti ubunzima (Heaviness, weight; importance, prestige; difficulty).
  • MaZulu vanoti ubuzima (Heaviness, weight; importance; difficulty).
  • VaKagulu vanoti usito (n. weight) vachireva huremu.