Chizulu
|
Chizulu (Zu: Isizulu, Ndex: Sizulu, Isizulu) mutauro wechiBantu wekuChamhembe cheAfurika webazi reNguni (kana dzinza revanhu vechiNguni) unotaurwa muAfurika Chamhembe. Ndiwo mutauro weMazulu. Dunhu reVazulu rinonyanya kugara kuKwaZulu-Natari muAfurika Chamhembe. Chizulu ndiwo mutauro wepamusha unotaurwa zvakanyanya muAfurika Chamhembe (24% yevagari), uye unonzwisiswa nevanhu vanodarika makumi mashanu muzana (50% huwandu wevanhu). Chizulu chakava imwe yemitauro gumi nematanhatu ye Afurika Chamhembe muna 1994. Chizulu mutauro wechipiri uchikundwa neChiswahiri unotaurwa nevanhu vakawanda.[1]
Zita[chinja | edit source]
Vanguni[chinja | edit source]
Chizulu[chinja | edit source]
Shoko rekuti Zulu kuVazulu rinoreva zvinhu zvakasiyana asi zvese zvinoita nekuva pamusoro kana kumusuro:
- Izulu leli = Iri idenga (This is heaven)
- Ngiphezulu = Ndiri pamusoro. (I am on top)
- Izulu = Denga (Heaven)
- Phezulu = Pamusoro (above; up)
Chixhosa[chinja | edit source]
Chizulu neChixhosa mitauro yakafanana uye inonzwisisana nekuti dzese mitauro yechiNguni. Saka vane mashoko akafanana akawanda, chinogona kusiyana matauriro kana mashandisirwo emamwe mashoko sezvinoita Chizezuru neChikaranga (mitauro yeChishona).
- Izulu = Denga (Chirungu: heaven)
- Ndiphezulu = Ndiri pamusoro. (Chirungu: I am on top)
Vashona[chinja | edit source]
Chishona[chinja | edit source]
MuChishona, zvivaramai zvekuti r na l zvimwechete, saka Zulu anoitwa Zuru. Iro shoko rekuti 'zuru' rinoreva zvimwechete muChishona sezvarinoita muChizuru kwarinonzi 'zulu'.
Zvisinei, muchirangarira kuti Chishona neChizulu mitauro yese iri miviri unoiswa mubazi rechiBantu. Nepo shoko rekuti 'denga' (heaven muChishona) neIzulu (heaven muChizulu) zvakasiyana. Asi mashoko ekuti 'usoro' uye 'soro' achibva kushoko rekuti 'pamusoro' ndiwo mashoko ari pedyo neshoko rekuti 'Zulu '.
- Phezulu = Pamusoro
- Izulu = Usoro (Usolo kana Shona yaive ne-'L', asi haina).
- Zulu = Soro (Solo kana Shona yaive ne-'L', asi haina)
Kune akawanda mashoko echiNguni neShona anogovera chirevo uye anoita kakunzwika zvakafanana. Zvakare pane mashoko anonyorwa kana kutaurwa zvakafanana uye anonzwika zvakafanana, kozoita mamwe asingareve zvinhu zvimwechete.
Enzaniso:
- izolo = nezuro / zuro (yersterday)
- Namhuhla = nhasi (today)
- rinonzwika sekuti "ndamuka" / "ndamutsa"
- Kusasa = mangwana (tomorrow)
- Muchishona Kusasa zvinoreva kuti "to tell a speech"
Nhoroondo[chinja | edit source]
Mazulu, saVaxhosa nevamwe vanhu vechiNguni, vakagara muSouth Afrika kwenguva yakareba. Mutauro weZulu unematinji akati wandei anowanikwa mumitauro yeSouth Afrika, isingawanikwe muAfrika yese. Vanhu vechiNguni vakagara pamwe chete nemamwe madzinza ekumaodzanyemba seMakhoisan (Vasan neVakhoi).
Kugoverwa kwemutauro[chinja | edit source]
Vanhu vekuZulu vanoenda kune dzimwe nyika vakaendesa kunzvimbo dziri padhuze, kunyanya Zimbabwe, uko mutauro weChindebele unonzwisisana zvakanyanya neZulu. Xhosa, mutauro unonyanya kutaurwa muEastern Cape, unowanzoonekwa seunonzwisisika nechiZulu, sezvakaita Northern Ndebele.[2][3]
Mabhii eChizulu[chinja | edit source]
Chizulu semutauro zhinji wechiBantu vanoshandisa mabhii echiRatini avanoshandura kuti anzwike seChizulu nekuda kwekusiyana kwemitauro.
a | b | c | d | e | f | g | h | i | j | k | l | m | n | o | p | q | r | s | t | u | v | w | x | y | z |
---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|
Chizulu ne Chishona[chinja | edit source]
Chizulu | Chishona | Tsananguro |
---|---|---|
indlovu | nzou, zhou | |
geza | geza | |
ukushayela | kutyaira, kuchaira | |
ilibutho | mawuto | |
shaya | chaya | |
inyoka | nyoka | |
umuntu | munhu | |
imbuzi | mbudzi | |
umlomo | muromo | |
ukudla | kudya
|
|
ejayela | jaira | |
uluhlanga,
izinhlanga |
rushanga
zvishanga |
sorghum |
umlibo
imilibo |
muriwo, rudzi | tendril, runner of creeping plants |
bamlibo-munye | rudzi rumwe | |
libala | rivara | kukanganwa, kutiza pfungwa kwefungo dzako.
liyangilibala igama lakho - ndakangamwa zita rako. |
fika | svika | |
umfana | mupfanha | |
ukuhleka | kuseka | |
hlanga | shanga | |
lizwi | izwi, shoko |
Mabviro eruzivo[chinja | edit source]
- ↑ Ethnologue 2005. Yakatariswa: 12 Chikumi 2021
- ↑ NorthernNdebele.blogspot.com NorthernNdebele.blogspot.com. Yakatariswa: 12 Chikumi 2021
- ↑ Spiegler, Sebastian; van der Spuy, Andrew; Flach, Peter A. (August 2010). "Ukwabelana - An open-source morphological Zulu. Yakatariswa: 12 Chikumi 2021
↑ "Archive copy". Archived from the original on 2020-08-22. Retrieved 2020-05-08.