Divi (rekunhu)

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuRudzivo)

Muchidzidzo chepimanyika, rudzivo kana divi (Direction) rinoreva mashoko anotigonesa kunongedzwa kuti nzvimbo iri kupi. Rudzivo runonongedza divi riri kutaurwa nezvaro. Rudzivo ndiyo mhinduro yatinotsvaga patinobvunzwa mibvunzo yokuti:

  • Uri kuenda kupi, papi chaipo?;
  • Uri kupi, papi chaipo?;
  • KuHarare ndinosvika sei, ndinotevedza nzira dzipi?;
  • Mabhazi anoenda kumusha akwirirwa kupi?'

Mepu dzepanyika dzinotaridza mativi mana erudzivo anoti: Mabvazuva, Madokero, Maodzanyemba, neChamhembe.

Tsanguro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mabvazuva idivi riri kunobuda nako zuva mangawani ega ega.
  • Madokero idivi riri kunonyura nako zuva manheru ega ega. Panopimwa gonya rinokwana 180o kubva kuMadokero kusvika kuMabvazuva.
  • Maodzanyemba: Iri idivi riri kurudyi kwemunhu kana akatarisa kunovirira zuva (kumavirazuva kana kuti kumadokero). Ku maodzanyemba kwakapesana nokuchamhembe.
  • Chamhembe: idivi riri kwakapesana nokumaodzanyemba, uye kunenge kuri kurudyi kana munhu akatarisa kumabvazuva. Pane gonya rinokwana 180o pakati peMaodzanyemba neChamhembe.

Kutsetsa Rudzivo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Maodzanyemba kwakadziva kuMabvazuva (North East in English) ndirwo rudzivo rwunoti kana munhu akatarisa kuMaodzanyemba, anofanira kutenderera gonya rinokwana 45o achinanga kuMabvazuva. Rudzivo urwu rwuri 45o kubva kuMaodzanyemba, uye 45o kubva kuMabvazuva.

Kana potaurwa muchidimbu kunonzi kuMaodzanyemba nechekuMabvazuva.

Maodzanyemba kwakadziva kuMadokero - ndirwo rudzivo rwunoti kana munhu akatarisa kuMaodzanyemba, anofanira kutenderera gonya rinokwana 45o achinanga kuMadokero. Rudzivo urwu rwuri 45o kubva kuMaodzanyemba, uye 45o kubva kuMadokero.

Chamhembe kwakadziva kuMadokero (South West in English) ndirwo rudzivo rwunoti kana munhu akatarisa kuChamhembe, anofanira kutenderera gonya rinokwana 45o achinanga kuMadokero. Rudzivo urwu rwuri 45o kubva kuChamhembe, uye 45o kubva kuMadokero.

Kana potaurwa muchidimbu kunonzi, Chamhembe nechekuMadokero.

Chamhembe kwakadziva kuMabvazuva (South East in English) ndirwo rudzivo rwunoti kana munhu akatarisa kuChamhembe, anofanira kutenderera gonya rinokwana 45o achinanga kuMabvazuva. Rudzivo urwu rwuri 45o kubva kuChamhembe, uye 45o kubva kuMabvazuva.

Kana potaurwa muchidimbu kunonzi, Chamhembe nechekuMabvazuva.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Tumbuka inoti mpoto (north). Mamwe mazwi: Mvuma (east). Mwera (south). Zambwe (west).
  • VaBemba vanoti ntunga (direction). Mamwe mazwi: tungulula (direct - show). Lubali (n. side) kureva divi.
  • VaBukusu vanoti chuumbe ( in the vicinity of, where s.t. is, in the direction of).
  • Sangho vanoti mbage (n. side, direction, part, portion) kureva divi.