Kimwani

Kubva Wikipedia

Kimwani kana Mwani mutauro weBantu unowanikwa kuMozambique. Mwani zvinoreva mahombekombe kana beach kuEnglish saka Kimwani zvinodudza mutauro werudzi rugere pedyo negungwa.

Mazwi Anotodza Shona[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaMwani vanoti nyuki (bees) kureva nyuchi.
  • VaMwani vanoti ulu (big) kureva guru.
  • VaMwani vanoti kuluma (to bite) kureva kuruma.
  • VaMwani vanoti mwiri (the body) kureva muviri.
  • VaMwani vanoti makala (charcoal) kureva marasha.
  • VaMwani vanoti kuja (to come) kureva kuuya.
  • VaMwani vanoti kwipika (to cook) kureva kubika.
  • VaMwani vanoti kunywa (to drink) kureva kunwa.
  • VaMwani vanoti kurya (to eat) kureva kudya.
  • VaMwani vanoti riso (eye) kureva ziso.
  • VaMwani vanoti kugwa (to fall) kureva kuwa.
  • VaMwani vanoti moto (fire) kureva moto.
  • VaMwani vanoti uni (firewood) kureva huni.
  • VaMwani vanoti njala (hunger) kureva nzara.
  • VaMwani vanoti kuulaya (to kill) kureva kuuraya.
  • VaMwani vanoti mwezi (month) kureva mwedzi.
  • VaMwani vanoti kanywa (mouth) kureva mukanwa.
  • VaMwani vanoti munyu (salt) kureva munyu.
  • VaMwani vanoti kulala (sleep) kureva kurara.
  • VaMwani vanoti nyoka (snake) kureva nyoka.
  • VaMwani vanoti juba (sun) kureva zuva.
  • VaMwani vanoti mwiwa kana miwa (thorns) kureva minzwa.
  • VaMwani vanoti mepo (wind) kureva mhepo.
  • VaMwani vanoti mwaka (year) kureva gore.
  • VaMwani vanoti ng’ombe (cow) kureva mombe.
  • VaMwani vanoti maji (water) kureva mvura.
  • VaMwani vanoti kifuwa (chest) kureva chipfuwa.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Izwi rokuti masa (twins) kureva mapatya.
  • VaMwani vanoti mbawa (wings/s) kureva bapiro.
  • Izwi rokuti nnemba kana wanemba (boy/s) kureva mukomana.