Nyoka

Kubva Wikipedia

Nyoka imhuka yesango yakareba isina makumbo inofamba ichi zvongonyoka. Dzimwe nyoka dzine uhuturu huno kwanisa kuuraya munhu uye dzimwe dzaka fanana neshato hadzina kana nehuturu. Vanhu vazhinji vanouraya nyoka kana vakaiona.

Nyoka dzinowanikwa muAfrica dzinosanganisira shato, chiva, mhungu,Nyaminyami rovambira, nyamafingu,bonga-musakwani, nyarufuru, kangamiti kana kuti karukuni, mhakure,ndara, tsvuku-kuviri, chimanzi, mhakure, rukukutwe, svoti, maswere, binga, hangara, ndinga nedzimwewo.

  • Dinga (two headed snake, harmless).
  • Dzerere (Olive marsh snake. 2. Green water snake).
  • Mhangara (1. Boomslang, 2. Water snake).
  • Mhakure (snake of the cobra kind).

Nyoka dzinobvisa ganda radzo rekunze pamwaka yakasiyana - ganda iri rinenge rabviswa rinonzi chibvunuro, bvunurwa, vhunurwa, guvurwa kana guurwa - "slough in English". Pachinyorwa chino chidzidzo chakanangana neruzivo rwenyoka chinonzi Chironzo Chenyoka kana Ronzanyoka.

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mwana wenyoka nzvenzvana.
  • Akarohwa senyoka yapinda mumba
  • Rega kuyera nyoka negavi iyo iripo.
  • Nyoka haina duku. A snake is a snake, no matter how small.
  • Pfini yenyoka kungoruma icho isingadyi. It is the malice of a snake to bite something it does not eat.
  • Hwoni hwenyoka kuruma chaisingadyi. It is the malice of a snake to bite that which it will not eat.
  • Rega kurova nyoka ukasiya rumhinda. Do not kill a snake and leave its tail.
  • Rega kunera nyoka uchisiya rupinda. Do not strike a snake and leave its tail.

Mazita emhuri[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kune mazita emhuri ane chekuita nenyoka. Mamwe ndiwo anoti: Nyoka, Mutimbanyoka zvichingodaro.

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaNyungwe vanoti ngozi (n. venom) kureva huturu.
  • VaWanga vanoti okhufunula (uncover) vachireva kufunura. Mamwe mazwi: okhufunika (v. to cover).
  • Nsenga vanoti tsunzu (n. a ball of string, a snake rolled up).
  • Tampulma vanoti nyɔk (v. to gather together) kureva kuungana. Cherechedzai kuti nyoka inounganidza muviri wayo panzvimbo imwe.