Mukomana

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search
Chencha2.jpg

Mukomana (boy) zvinoreva mukono wemunhu achiri mudiki; kana ari mukuru anonzi murume. Asi shoko rokuti murume rinoshandiswazve kutaura chero mukono wemunhu zvisinei kuti ane makore mangani ekuzvarwa.

Kuyaruka kwemukomana[chinja | edit source]

  • Dzvito (Puberty for male) - apa kureva kusvika pazera rekuyaruka panotanga kushanduka muviri, izwi richibhesera, vhudzi richimera muhapwa, huronyo huchitanga kuuya.
  • Kudzvita (Reach puberty male). vamwe vanoti kupundudza kana kuputudza.
  • Dzvita apa kureva munhu asvika pakudzvitura.
  • Dandaringo kana matandaringo pahuwandu (1. Long pole 2. Tall, strong person). Idandaringo repwere: that child is much too big for his age.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • VaTonga vanoti bulombe kana malombe (n. boyhood) vachireva hukomana. VaTonga vanoti mulombe (boy) kureva mukomana.
  • VaTonga vanoti kalombe (small boy) kureva kakomana.
  • VaNyungwe vanoti mulumbwana kana alumbwana (boy/s) kureva mukomana.
  • VaShambala vanoti mgoshi (n. male) kureva munhurume. VaShambala vanoti kagoshi (n. boy, lad) kureva mukomana.