Svetuka kuchirochemo

Muromo

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuMukanwa)

Muromo (lips) inhengo iri pasi pemhuno yakapendera mukanwa munotambira chikafu pakudya. Nekumwe kutaura mukanwa mukati, muromo ndiko kunze asi mazwi aya anoshandiswa achichinjaniswa.

  • Muromo hauzarirwi nerwizi.
  • Chinopa mawoko; muromo haupi.
  • Ane pamuromo.
  • Muromo chipfuto unopedza matura.
  • Mumuromo momukuru munonhuwa kamwe, mangwana munoreva zvibvira. Kureva kuti - Zvinogarotaurwa navanhu vakuru vachiyambira munhu ndizvo zvinowanzoitika kana akasazviterera. Vakuru havarevi zvinhu zvenhando, kazhinji zvavanoreva ndizvo zvinowanzoitika.
  • Tsuro kotsa muromo. Hare, mind your mouth.
  • Muromo unodya chawapiwa.
  • Muromo itsvimbo unozvidzivirira. A mouth is like a knobkerrie; it defends itself.
  • Muromo ipfumo ungozvikanira. A mouth is (like) a spear; it fights for itself.
  • Muromo chiponza unopotsera. A mouth is like a knobkerrie which you can throw.
  • Muromo chipwere mukutumika. A mouth is like a young boy when it comes to sending him.
  • VaFwe vanoti muromo (mouth) kureva muromo. VaTaita vanoti mlomo (n. mouth) kureva muromo. Baila vanoti mulomo.
  • VaKikuyu vanoti muromo kana miromo (n. door; gate; ingress) kureva musuwo.
  • VaGwere vanoti kanwa (n. entry point; tip of the mouth of something) kureva pekupindira.
  • VaMaconde vanoti ikanywa (n. mouth). VaBukusu vanoti mukhanwa (adv. inside the mouth).
  • Bushong vanoti munya (n. mouth) kureva muromo.