Mimhanzi
Mhanzi (ku Chingezi: Music) kana mimhanzi uye mumhanzi imhando ye useza inoshandisa ruzha runorongwa munguva. Mhanzo imhano yevaraidzo futi inosanganisa ruzha rwuno farirwa nevanhu kutereera kana kuteerera vachidzana. Mhanzi dzakawanda dzinowanzo sanganisa vanhu vanoyimba nemazwi avo kana vanoridza zviridzwa, senge mbira, marimba, piyano, gitare, ngoma, vhayorini, kibhodhi, uye ngoma dzechirungu. Munhu anosika mhanzi anonzi mumhanzi; musezi wemhanzi (music artist).
Mhanzi inodarika kuridza zviridzwa nekuyimba inosanganisa wo, kunyora nziyo (rwiyo paumwechete). Nziyo ndiro shoko rinoshandiswa kureva mhando yezvizvarwa zvinobuditswa pakusikwa kwemhanzi uye ndiyo nzira yemhanzi inofarirwa zvikuru nevanhu. Munhu anonyora mhanzi unotsi munyori wenziyo uye, zvinyorwa zvake zvinonzi rutsaranziyo (lyrics) paruzhinji, asi rutsararwiyo (pamwe).
Zita[chinja | edit source]
Shoko reChingezi rekuti 'music' rakabva ku shoko re Chigiriki (mousike), rinoreva kuti "(useza) we maMiyuzi" ("(art) of the muses"). Mu Girisi yeKare, maMiyuzi aisanganisa vamwarikadzi we mhanzi, nhetembo, useza uye kudzana.
Mhanzi muAfurika[chinja | edit source]
Tarisai futi peji re Mhazi muAfurika
Misambo[chinja | edit source]
Kune misambo yemimhanzi yakasiyana siyana; muZimbabwe musambo ine mukurumbira inosanganisira: museve, mbira, chimurenga, reggae, nemimwewo misambo.
Vayimbi vakuru muZimbabwe vanosanganisira: Oliver Mtukudzi, Thomas Mapfumo, Stella Chiweshe nevamwewo.
Zvikamu zve mhanzi[chinja | edit source]
Mhando ye Zviridzwa[chinja | edit source]
Tarisai peji re: Zviridzwa zvemhanzi
- Gwama kana hwamanda (horn).
- Munanzi (flute).
- Dimbwi
- Mudimbwa kana chimadangira (lyre??).
- Mbira (ye mhanzi).
- Chimazambi
- Ngoma.
Zvinhu zve mhanzi[chinja | edit source]
- Ungamhanzi (album)
- EP (Eksitendedhi pureyi -> extendend play)
- Unganidzo (collection)
Zvimwe zvinyorwa zve mhanzi[chinja | edit source]
Mamwe mashoko ekuziva[chinja | edit source]
- Kudetemba
- Kudeketera
- Kutengezana kana mutengezanwa (singing in parts).
- Kupangira (to tune an instrument e.g. mbira or guitar) kunhadziridza chiridzwa kuti chirire muririro unodikanwa.
- Uzimba kana chidoonyera (discord in singing).
- Mujangira (Unity of a musical or other composition). Kune zita remhuri rinonzi Jangira.
Mazwi eBantu[chinja | edit source]
- Vatauri veUmbundu vanoti sika (play on musical instrument).
- Vatauri veUmbundu vanoti usika (player of musical instrument).
- MaZulu vanoti umpambano (discord) vachireva rupambano?