Mbeu

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuChipande (kumera))

Mbeu (seed) inhengo yedzinde inokura pane ruva mumadzinde mazhinji inova ndiyo inomera kana ichinge yadyarwa muvhu pane mvura. Apo mbeu inotanga kunyuka kubva muvhu mayakadyarwa inonzi iri kumera.

Shoko rokuti mhodzi rinoshandiswa kureva mbeu dzemichero inowanikwa kumunda yakaita semanhanga, manwiwa, mapudzi uyewo iyo inowanikwa mumiti semagwavha, mamango, maapuri, munhondo. Izwi iri rinoshanda kana mbeu dziri mukati memuchero uye dzichiwanikwa dzakawanda mumuchero umwe.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Nhondo kana nondo (seedling) zvinoreva dzinde ndiki rakamera kubva pamhodzi; kana uri muriwo kazhinji unosimwa patsva wakataranzwa zvakafanira. Idzi dzinosimwa.
  • Mhunzi kana mhodzi (seed of pumpkin) kureva mhodzi dzemanhanga.
  • Munzi (soft inside of seed) kureva chikamu chakapfava chepakati pembeu.
  • Nhikiti (small hard seed in fruits like apples, oranges, lemons) zvinoreva mhodzi dzakawomarara sedzemichero yakadai semandimu, mutukutu kana muapuro.
  • Chipande, nhungo kana tsuri (blade of corn) zvinoreva shizha rinotanga kubuda zvikurusei rezvirimwa zvine tsanga zvakadai sechibage, rukweza, nemhunga.
  • Mukume (pollen) unowanikwa pamaruva uye unotakura nhengo dzechirume dzinokukumidza madzinde kuti achibereka michero yawo.
  • Mhundu (Black Jack seed) mbeu yetsine.
  • Kudyara (sow) mbeu kunoreva kuisa mbeu muvhu kuti igomera.
  • Kukusha (sow by broadcasting) mbeu kunoreva kukanda mbeu pamusoro pevhu.
  • Bukira, kana nhuu (sprout; shoot) idungirwa rinotungira kubva pachigutsa chemuti wakatemwa kana kubva padzinde reimwe mbeu yakaita sefodya, kana chibage iro rinozobviswa kuti risakanganisa kukura kwembeu iyi kwakanaka.
  • Runye (grain or vegetation coming up very close together).
  • Deta Twist (e.g road, coiled snake). kana kumonereka. Tsuri yakadzivirwa nevhinga ikadetera kwazvo: the shoot was blocked by a clod and twisted its way to the surface.
  • Tsangu (Seed) kureva mbeu.

Ivhu riri roga rinobereka zviyo, kutanga chipande, kwozoti hura, kwozoitawo tsanga dzakakora muhura.

Mashoko Anotodzana[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mashoko okuti chipande kana mubandirwa angagona kuzoshanda kuturikira chinonzi capital kuEnglish - apa kureva mari yekuvamba bhizinisi.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kudodoora, kudoorora kana kudunguza (1. Dig up and eat freshly planted seed. 2. Eat shoots of planted seeds) zvichireva kutobora mbesa dzichangomera.
  • Horwe dzinoshusha nokudodoora mbeu.
  • Horwe dzinodoorora tsuri: the francolins peck out the seed when the maize puts its first shoot out of the ground.
  • Kumera, kutunga, kutanda, kutandira kana kupfumvutira (shoot or sprout).
  • Nhuu inozobuda kubva paguri raJesi, nenhai inozokura kubva kunzinde dzake: A shoot will grow up from the stump of Jesse; a branch will sprout[a] from his roots. (Isaiah 11:1, Bhaibheri reChiNdau).
  • Nyika yakamera zvisimwa, zvinobereka mbeu ngokuteererana kwembeu dzayo idzo, nemiti inobereka michero, tsangu dzayo dziri mukati mwayo (Genesis 1:12, Bhaibheri reChiNdau).

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaTaita vanoti mbeyu, ndanga kana ndembe (seed) vachireva mbeu. VaFwe vanoti ru-bare kana m-bare (seed, pip) kureva mbeu.
  • VaBemba vanoti luseke kana mbuto (grain) vachireva mbeu. VaTonga neBaila vanoti imbuto (seed) vachireva mbeu.
  • VaLenje neFwe vanoti mbuto (seed) vachireva mbeu. MaZulu vanoti imbewu (Seed for planting) vachireva mbeu.
  • Zulu inoti imbewu (Origin, source of a race, stock of people) kureva rudzi rwevanhu. Sokuti imbewu yakwaQwabe - kurudzi kwakabva VaQwabe.
  • VaYao vanoti kuinda (to swell up as dry seeds stepped in water; to be stained from being wet) vachireva kufuta kwembeu yanyikwa mumvura.
  • Kidawida inoti mbeyu kureva mbeu. Kidawida inoti ndanga (n. pip) kureva mhodzi.